‘Ngwarirai Covid-19 kunyanya pazororo’

15 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
‘Ngwarirai Covid-19  kunyanya pazororo’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kukurudzira veruzhinji kuti vachenjerere panyaya yekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19 kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kwedenda iri, zvikuru panguva yezororo rekupemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Covid-19 ichirimo muZimbabwe, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasavarairwe.

“Cabinet iri kuyambira veruzhinji kuti varambe vakachenjerera panyaya yekudzivirira chirwere ichi kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa. Izvi zvinosanganisira panguva yemhemberero dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere dze41st Independence Day Anniversary, apo kuungana kwevanhu vanodarika 50 kusiri kutenderwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 37 330 vemuZimbabwe vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera dziwamupengo reCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 34 932 vakapona asi vamwe 1 543 vakafa.

Sen Mutsvangwa vanoti nechinangwa chekuda kuchengetedza vana vekuzvikoro zvemabhodhingi, Cabinet yakaita chisungo chekuti hapana vadzidzi vari kuzotenderwa kumbodzokera kudzimba dzavo panguva yezororo rekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

“Nechinangwa chekuchengetedza vadzidzi pazororo uye nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19 sezvakaitika pazororo reKirisimasi neGoredzva, Cabinet yaita chisungo chekuti vadzidzi vose vekumabhodhingi vanofanirwa kuramba vari pazvikoro zvavo panguva yezororo rekupemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.”

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Izvi zvinoita kuti pasave nekufamba-famba kwevanhu kwakanyanya uyewo zvichideredza mikana yekupararira kwechirwere ichi. Vakuru vezvikoro vose vanofanirwa kutevedza gwara iri, sezvo izvi zvichibatsira nyika.”

Vanoti kusimbaradzwa kwechirongwa chekurwisa kupararira kwedenda iri muzvikoro kuri kubatsira zvikuru.

“Cabinet yakaona kuti nekuda kwekusimbaradzwa kwechirongwa chekuita ongororo pamusoro peCovid-19 muzvikoro, kunyuka kwakaita chirwere ichi svondo rapera pachikoro cheSacred Heart School kuUmzingwane, kuMatabeleland South kwakakwanisa kuzivikanwa zviri nyore.

“Pavana 248 nevarairidzi 33 vakavhenekwa, 117 vavo vakawanikwa vaine Covid-19. Panyaya dzose idzi hapana ari kurwara zvakanyanya uye vakawanikwa vaine denda iri vari kuchengetwa panzvimbo dzavo voga,” vanodaro.

Senator Mutsvangwa vanoti huwandu hwevanhu vari kurapwa Covid-19 muzvipatara huri kuenda huchidzikira izvo zviri kuita kuti zvimwe zvakadai seParirenyatwa Group of Hospitals zvitange kushandisa zvikamu zvinosanganisira Out-Patient Department, izvo zvaimboshandiswa kurapira varwere veCovid-19, basa razvinoshandiswa mazuva ose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>