Ngwarirai gomarara remuzamu

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Ngwarirai gomarara remuzamu

Kwayedza

GUMIGURU mwedzi wekupa chenjedzo pamusoro pegomarara remuzamu.

Gomarara remuzamu rimwe remhando yemagomarara ari kuwanikwa muvanhu mazuvano.
Imhando yegomarara inotangira munyama dzezamu (pachipfuva, muhapwa kana kana paruoko).
Kumadzimai, gomarara iri rinotangira mutsinga dzinotakura mukaka kusvika kunyatso kana tsinga dzinogadzira mukaka.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa negomarara iri huri kuwedzera kubva kumakore ekuma1970.
Izvi zviri kukonzereswa nezvikafu zvinodyiwa nevazhinji zvinosanganisira zvine mafuta akawanda uye zvinodhaka, kusvuta fodya, kuchinja mapirwo anoitwa vana mukaka nekukasira kuregedza vana pamukaka kana kusatoyamwisa zvachose.

Vazhinji havazvizivi kuti vanhurume vanobatirawo gomarara remuzamu sezvo vaine mazamu.
Pavanhukadzi zana vanobatira gomarara iri, munhurume mumwe chete anokwanisa kubatirawo gomarara remuzamu.

Izvi zvinoita kuti kuvanhukadzi kuve nemukana wezvikamu zvinodarika zana wekubatira gomarara remuzamu kana zvichienzaniswa nevanhurume.
Zvisinei, vanhurume vanononoka kuwana rubatsiro munyaya dzegomarara iri sezvo zvichinonokawo kuonekwa kuti vanaro.

MuZimbabwe, gomarara remuzamu ndiyo mhando yechipiri yemagomara inowanzowanikwa muvanhukadzi vechitema, kuchitanga remuchibereko.
Gomarara iri riri nyore kurapika kana rikakasira kuonekwa uye kana munhu achiziva paamire maringe nehutachiona hweHIV. Kana munhu aine muviri usina kusimba, zvakaoma kurapa gomarara remuzamu.

Pane kurudziro yekuti munhu aongororwe kuti haana hutachiona hweHIV here oziva paamire. Panokurudzirwawo kuti kana munhu awanikwa aine hutachiona, atore mushonga nekukasira uye otora mishonga sekutaurwa kunenge kwaitwa nanachiremba kana veutano.

Zvakaipira gomarara remuzamu:
Tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidza kuti vamwe vanhu vane mukana wakakura wekuva negomarara remuzamu kudarika vamwe. Magariro evanhu nezvakavapoteredza nezvimwewo ndizvo zvinoita kuti vanhu vave panjodzi yekuti vabatire gomarara iri.
Mukana wekubata gomarara unowedzera kana:
Wapfuura makore makumi mana ekuberekwa
Mumhuri menyu muine vakamboita gomarara rezamu
Wakatanga kuteverera usati wasvika makore gumi nemaviri okuberekwa uye wakamira kutevera wapfuura makore makumi mashanu nemashanu okuberekwa
Uchiputa fodya nekunwa doro zvakanyanya
Uchidya chikafu chakawanda mafuta kubva kunyama yemhuka
Wakasimba zvakanyanya
Usina vana kana kuti wakazotanga kuita vana wapfuura makore makumi matatu ekuberekwa (kuvanhukadzi)
Wakamboita gomarara pane rimwe zamu
Uchigara uchinetsekana zvakanyanya

Kudzivirira gomarara remuzamu:
Chikamu chimwe chete kubva muzvitatu zvamhando dzegomarara, kusanganisira remuzamu, zvinodzivirirwa nekudya chikafu chakanaka chinovaka muviri, kugara nehuremu hwemuviri hwakafanira uye kugara vanhu vachiita mitambo yekusimbisa miviri. Zvinokurudzirwa kuti vanhu vadye chikafu chiri zvachiri chisina kuvandudzwa, kunyanya chakarimwa zvisina mudimbudzirwa.
Zvinokurudzirwawo kuti pasadyiwa chikafu chekugadzirirwa sezvo chakawanda mafuta, shuga pamwe chete nesauti. Vanhu vanokurudzirwa kudya chikafu chakaita semichero, nyama yehuku nehove. Vanhu vanofanira kudzivirira huremu hwemuviri hwakanyanya kupfurikidza nekuita mitambo kanosvika kashanu pavhiki vachiita maminitsi makumi matatu zvichienda mberi pazuva rega-rega.
Kurega zvachose kunwa doro uye kuderedza kusvuta fodya nekusvuta zvimwe zvinodhaka.
Kukwanisa kuderedza kufunga kwakanyanya kunoderedzawo mukana wekuva negomarara remuzamu nedzimwe mhando dzegomarara. Kuwana nguva yekuzorora uye kupinda muzvikoro zvekudzidza kuderedza kufungisisa nekuzvizorodza. Kuyamwisa ndeimwe nzira yekuderedza gomarara remuzamu, izvi zvinoitwa muZimbabwe uye zvinofanira kuramba zvichikurudzirwa.

Zviratidzo zvegomarara remuzamu:
Chiratidzo chinonyanyowanikwa pagomarara remuzamu kuzvimba kana kuomarara muzamu, pedyo nezamu, paruoko kana muhapwa.
Ongororai kukura kwezamu renyu, kuchinja kwaro chimiro, kubuda kwemvura kana mvura ine ropa nepanyatso dzemazamu, kuchinja kweganda maonokero aro kana rikabatwa.
Zvimwe zviratidzo zvinosanganisira kuomarara kweganda repazamu, kuvaviwa mazamu, kunzwa kurwadza, kakupisa kana kuderera kwemuviri kusinganzwisisike.

Share This:

Sponsored Links