Ngwarirai hosha dzemuchando

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Ngwarirai hosha dzemuchando

Kwayedza

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD), rinoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kugadzirira chando icho chiri kutarisirwa kutonhora zvikuru mwaka uno.

Mwaka wechando unowanzotanga munaChivabvu kusvika Gunyana asi chichinyanya kutonhora munaChikumi naChikunguru.

MSD inoti kuchatonhora zvikuru kunzvimbo dzose dzenyika nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vazvidzivirire kubva kuchando ichi.

Mamwe ematunhu anonzi achatonhora zvikuru ndeanoti Matabeleland North, Matabeleland South, Bulawayo Metropolitan, Midlands, Masvingo neManicaland.

Chando chinokonzera zvirwere zvakasiyana sedziwa, chikosoro kana maronda pahuro zvichienda mukurwadziwa nechipfuva.

Kune vamwe vanhu vanotambura avo vanoda rubatsiro rwezvinhu zvinodziya panguva ino yechando semagumbeze nezvimwe.

Naizvozvo tinogamuchira nemaoko maviri basa riri kuitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – kuburikidza nesangano ravanotungamirira reAngel of Hope Foundation – mukubatsira vanotambura nekuvapa magumbeze nezvimwe zvinhu zvinosanganisira chikafu.

Amai Mnangagwa vafamba nyika yose vachipa vanoshaya sevaya vakwegura, vakaremara nevanorwara midziyo inoshandiswa pakurwisa chirwere cheCovid-19.

Basa ravari kuita iri iguru nekudaro rinofanirwa kutendwa zvikuru.

Zvakakosha kuti veruzhinji vabatsirewo vanoshaya panguva ino kunyangwe nepadiki pavanokwanisa kuti vasazotonhorwa nechando zvakanyanya.

Kunze kwekukonzera zvirwere zvakasiyana, chando chinogona zvakare kuita kuti munhu arasikirwe neupenyu.

Kutonhorwa kunokonzera kuti ropa risafambe zvakanaka mumuviri izvo zvinoita kuti mwoyo utadze kushanda zvakanaka zvichizokonzeresa matambudziko akasiyana kumunhu.

Panguva ino nyika yakatarisana nekurwisana nekupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 icho chine zviratidzo zvakada kufanana nezvedziwa nechikosoro zvinokonzerwa nechando zvakare, zvakakosha kuti veruzhinji vazvidzivirire kuchando.

Mumwaka wechando, kune nzira dzakasiyana dzinoshandiswa nevanhu mukuedza kuona kuti vazvidzivirira kubva mukutonhorwa.

Vamwe vanodziya mbaura dzemarasha apo vanenge vakazvivharira mudzimba.

Kudziya mbaura munhu akazvivharira mumba, zvikuru inenge ichishandisa marasha, kune njodzi huru sezvo nekuda kwehutsi hunenge huchibuda zvinoita kuti mweya wekufema ushaikwe.

Nekudaro zvakakosha kuti kana munhu achishandisa mbaura yemarasha ari mumba aone kuti mahwindo kana musuwo zvakavhurwa kuitira kuti hutsi huwane pekubuda napo.

Munguva ino yechando kune vamwe vanosvika pakurasikirwa neupenyu nekuda kwekudziya mbaura vakazvivharira mumba nekudaro zvakakosha kutora matanho ekuchengetedza upenyu.

Share This:

Sponsored Links