Uncategorized

‘Ngwarirai kune vari kuba vana’

16 Oct, 2021 - 12:10 0 Views
‘Ngwarirai kune vari kuba vana’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoyambira vabereki nevamwe vanogara nevana pamusoro pezvikwata zvevanhu vari kuvhevhetedza vana kuti vapinde navo munyaya dzekuita chingochani nekuzogumawo vovashungurudzwa.
Mashoko aya anotevera kuferefetwa kwenyaya yemwana anodzidza pachimwe chikoro chemuguta reHarare uyo anonzi akatapwa ndokushaikwa kwenguva.

Nyaya yekushaikwa kwemwana uyu yakazotenderera pamadandemutande.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti muzvikwata izvi munowanikwa vana nevanhu vakuru avo vanoshandisa dandemutande reFacebook neWhatsApp vachitsvaga vekudanana navo uye vachizoenda kunzvimbo dzekutandarira dzakaita semalodges nekudzimba dzemumaguta.

Chimwe chezvikwata izvi chinonzi chine chekuita nemuchakabvu ane nyaya yaiferefetwa nemhosva yekutapa, Richard Padzarondora (44), uyo akashaika munguva pfupi yadarika.

“Mapurisa vakasunga mumwe anofungidzirwa kuti ari muchikwata chevanhu vakadai, Lemmy Gwaku zita rake chairo achinzi Emmanuel Chatikobo (48) uyo akatombomira mudare redzimhosva nekuda kwenyaya dzakadai,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Mapurisa vari kuferefeta zvakare nyaya dzekushungurudzwa pabonde kwevana vechikoro sezvo zvimwe zvidzidzo zvava kuitwa padandemutande.

“Tinokurudzira vabereki kuti vaongorore nekubvunzurudza vana vavo nekuda kweshamwari dzavo dzavanowana padandemutande. Semapurisa, tiri kushandawo nebazi rezvedzidzo nekuda kwenyaya dzakadai,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mwana wekutsakatika muHarare uyu akawanikwa nematikitivha eCriminal Investigations Department kuBulawayo nemusi wa13 Gumiguru apo aive avhevhetedzwa kuti ahwande nedzimwe nhengo dzezvikwata izvi.

“Mwana uyu takazomusanganisa nevabereki vake kuHarare kuchimirirwa kuti aongororwe nemachiremba zvizere nekutaurwa naye kuti pfungwa dzake dzigadzikane,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mapurisa akazvipira kushanda nemamwe mapoka nevanhu vakazvimirira pakufumura zviitiko zvakadai.
Veruzhinji vanokurudzirwa kuzivisa mapurisa nyaya dzerudzi urwu nedzimwe panhare dzinoti (0242) 703631 kuHarare kana kuBulawayo pa(0292) 74525 nedzimwe muHarare dzinoti (0242) 748836 ne0712 800 197 uye kana kutaura nemapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links