Ngwarirai kurwiswa nemurwere wepfungwa

29 Sep, 2024 - 11:09 0 Views
Ngwarirai kurwiswa nemurwere wepfungwa Inspector Kudakwashe Dhewa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kuyambira veruzhinji nekuda kwemurume anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa uyo ari kungomberereka mudhorobha reMasvingo achirova vanhu, kunyanya vanhukadzi, nekuvadzingirira pamadiro.

Murume uyu anonzi haana pekugara nekudaro anongofamba mumigwagwa yeko.

Anonzi akamboshungurudza zvakare ruzhinji kudhorobha reKwekwe neGweru.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vakapa yambiro iyi zvichitevera kurohwa nekukuvandzwa kuri kuitwa vanhu nemurume uyu.

Murume uyu anonzi akatomborova uye akakuvadza imwe chembere mukati medhorobha reMasvingo nguva pfupi yadarika.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vafambe vakangwarira mudhorobha reMasvingo nekuda kwemurume uyo anonzi haana pekugara anofamba-famba mumigwagwa yeko achirova vanhu pamadiro. Anofungirwa kuti anorwara nepfungwa uye anonzi anonyanya kushurungurudza nekurova madzimai nekudaro vanouya kuzotenga zvinhu mudhorobha iri nekuita mabasa akasiyana vanofanirwa kungwarira,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti mapurisa ari kutsvaga nzira dzekuti murume uyu, uyo asina kuzivikanwa zita rake, angabatsirwe sei asati akuvadza vanhu vakawanda.

Insp Dhewa vanokurudzira vanhu vane hama dzinorwara nepfungwa kuti vapote vachivachengetedza panzvimbo dzakanaka uyewo nekuvaendesa kuzvipatara kuti vanopihwa mapiritsi nemishonga inovadzikamisa.

“Kurwara nepfungwa idambudziko rakangofanana nezvimwe zvirwere saka varwere vakadai vanofanirwa kucherechedzwa vachiendeswa kuzvipatara nguva nenguva. Ngatiregei kuvasema nekuti vanhu vakaita sesu,” vanodaro Insp Dhewa.

VaIgnitius Murambidzi (50) vanova director wesangano rinomirira varwere vepfungwa reZimbabwe National Association of Mental Health (ZIMNAMH) vanoti varwere vepfungwa vari kuwanda zvikuru nekuda kwekutorwa kwezvinodhaka, kunyanya nevechidiki.

“Hurwere hwepfungwa hwakangofanana nezvimwe zvirwere zvose saka tinotarisira kuti vanhu vakadai vakurumidze kubatsirwa. Dambudziko iri riri kukura nekuda kwevamwe vanhu vari kutora zvinodhaka zvinosanganisira mitoriro nezvimwe zvinovavhiringidza pfungwa. Kunharaunda ine murume uyu yeMasvingo, kune mahofisi aanokwanisa kubatsirwa ayo anosanganisira eSocial Welfare, chatinotarisira kuti murume uyu abatsirwe nekukasika,” vanodaro VaMurambidzi.

Share This:

Sponsored Links