Ngwarirai mvura ine dutu: Met Dept

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Ngwarirai mvura ine dutu: Met Dept Miti yakapunzwa nemvura yakanaya iine dutu muHarare svondo rino.

Kwayedza

Mvura inotarisirwa kubaya yakawanda zvikuru munyika yose kubvira neChitatu chino kusvika neChishanu.

Matunhu anosanganisira Masvingo, Midlands, Mashonaland East neManicaland ari kutarisirwa kunaya mvura inosvika 50mm mukati memaawa                  24.

Mvura iyi inogona kunge iine dutu pamwe nekupenya kwakanyanya.

Kunaya kuchange kuchiita mvura ine simba iyi kune njodzi huru kuupenyu hwevanhu sezvo miti inogona kudzurwa zvichikonzera kuparara kwezvivakwa nezvimwe.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vapinde mumba kana munzvimbo dzakavharika kana kuchinaya uye kuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara.

Bazi reMeteorological Services Department richaramba richizivisa veruzhinji mamiriro anenge akaita kunze pamwe nenjodzi dzinogona kuitika. — Meteorological Services Department.

Share This:

Sponsored Links