Nhabvu yadzoka . . . DeMbare, Bosso zvobandana

16 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
Nhabvu yadzoka . . . DeMbare, Bosso zvobandana Kudzanayi Dhemere

Kwayedza

 Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugo­sara mupinyi nemusi weSvondo kunhandare yeNational Sports Stadium muguta reHarare uko makara asionane – Dyna­mos neHighlanders FC – zvi­chatatsurana mumutambo wePresident’s Independence Day Trophy (Uhuru Cup).

Uyu ndiwo mutambo wekutanga wekutambwa nezvikwata zvemuno kub­vira apo mitambo yose yakamiswa munaKurume gore radarika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutambo wekupedzisira pakati peDeMbare neBosso mugore ra2019, Bosso yakahwinha 2-0.

Nemusi weSvondo apo pachatambwa mutambo uyu kunhandare yeNational Sports Stadium, kuchange kusina vatsigiri sezvo pachatevedzwa mitemo yose yeWorld Health Organisa­tion (WHO) neyemunyika muno yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura nguva pfupi yadarika, gurukota rez­vekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvan­gwa vanoti zvikwata zviviri izvi zvichatamba pachiteved­zwa mitemo yose yekurwisa denda iri.

“Zvikwata zviviri zvine mukurumbira, Dynamos neHighlanders, zvicharwira mukombe apo zvichasan­gana mumutambo wePres­ident’s Independence Day Trophy uyo uchatambwa pachitevedzwa matanho akatarwa eWHO neenyika ekudzivirira kupararira kwe­denda reCovid-19,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Munhoroondo yenhabvu yemutambo uyu, DeMbare neBosso zvakasangana ka16 uye zvose zvichik­wanisa kuhwina kanonwe mukombe uyu.

Mutambi weDeMbare – Kudzanai Dhemere – anoti ari kufara chaizvo nekudzoka kwenhabvu uye sechikwata vari kushanda nesimba kuti vagohwina mutambo uyu.

“Mutambo uyu tange tausuwisisa zvikuru, tange tane ngura yekugara nguva ndefu tisingatambe bhora,” anodaro Dhemere.

Murairidzi weBosso, Mandla Mpofu, nguva pfupi yadarika akati anofara chaizvo nekudzoka kwaPeter Muduhwa uyo akange aenda kunotamba kuTanzania nechikwereti kwemwedzi mitanhatu.

“Semurairidzi, ndino­fara chaizvo kuti mutambi wedu Muduhwa adzoka uyo ari kuunza hunyanzvi nehutungamiri muchikwata chedu.

Nd i n o z iva an e zvaakadzidza paange ari kuTanzania uye achapawo ruzivo urwu kune vamwe vake vaanotamba navo,” anodaro. Nhabvu yePre­mier Soccer League (PSL) yakapedzisira kutambwa mugore ra2019.

Mutambo wemusi weSvondo uyu uri kuonekwa nevazhinji segadziriro yekudzoka kwenhabvu yePSL apo mitambo iri kutarisirwa kutanga munaChivabvu.

Share This:

Sponsored Links