Nhabvu yadzoka zvakare

24 Jun, 2021 - 11:06 0 Views
Nhabvu yadzoka zvakare Zdravko ‘Loga’ Logarusic

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti riri kufara zvikuru nekupihwa kwavakaita mvumo yekuti mutambo weChibuku Super Cup uenderere mberi uye izvi zvinotevera kumiswa kwainge kwamboitwa mitambo yose nguva pfupi yadarika nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chinyorwa chakatumirwa kubva kuSports and Recreation Commission (SRC) svondo rino chakazivisa kuti mitambo inoti nhabvu, cricket nerugby zvave kutenderwa kutambwa nechinangwa chekuzadzikisa mitambo yakasiyana apo zvikwata zvenyika zvichanokwikwidza kunze.

Mukushi wemashoko wePSL — Kudzai Bare — anoti havasi kugona nemufaro nekupihwa kwavakaitwa mvumo yekuti mitambo yeChibuku Super Cup ienderere mberi.

Kudzai Bare

“Tiri kufara kuti tave kuenderera mberi nenhabvu yedu. Tiri pakati pekuita hurukuro nezvikwata zvose tichivazivisa kuti vachitanga gadziriro dzavo dzekuti mutambo usimudzirwe pawange wasiirwa.
“Toda kupa zvikwata zvose mukana wekuita gadziriro dzakakwana tobva tasimudzira mutambo uyu.
“Hatisati tave nezuva rekuti ndiro rekusimudzira, asi mumazuva anotevera tichange tichizivisa nyika tapedza kuita hurukuro nezvikwata zvose,” anodaro Bare.

Shasha yekutsigira nhabvu ine mukurumbira, Chris ‘Romario’ Musekiwa, anoti anotenda zvikuru Hurumende nekutendera kuti mitambo ichitanga kutambwa zvakare.

Chris ‘Romario’ Musekiwa

“Nhabvu ibasa semamwe mabasa ose nekuti iri kuraramisa mhuri dzakawanda. Vakomana vedu kana vasingatambe vanenge vari panzara sezvo vachiraramiswa nemari dzavanowana kubva kunhabvu.
“Naizvozvo ndinopa kutenda kuhutungamiri hwedu hweSRC neHurumende vakatendera kuti nhabvu ienderere mberi. Isu tinoda kuona vakomana vedu vachitamba uye zvikwata zvedu zvichihwina.

“Paye nhabvu payakambomiswa kwenguva ndefu kubva gore radarika, vakomana vazhinji vakambotambudzika zvikuru. Vamwe vange vave kutengesa pamusika chaipo kuti variritire mhuri dzavo zvinova zvinhu zvinosiririsa. Asi iye zvino nhabvu zvayadzoka tinoziva kuti hupenyu hwavo hwave kuchiendeka manje,” anodaro.

Apo chikwata chemaWarriors chiri kutanga gadziriro dzekuenda kumutambo weCosafa Cup uchatambirwa kuSouth Africa nekuzotanga kurwira tikiti rekuenda kumitambo yeQatar 2022 World Cup, Romario anoti kudzoka kwenhabvu kuchabatsira murairidzi wechikwata chenyika ichi, Zdravko ‘’Loga’’ Logarusic, kutarisa vatambi vakawanda vekuzosarudza.

“Takatarisana neCosafa kuSouth Africa mumasvondo anotevera saka kana nhabvu ichitambwa zvinobatsira zvikuru kuti Loga atarise vatambi vakawanda onyatsosarudza simbi dzebasa dzekutakura kuenda nadzo kumutambo uyu dzisingazononyadzise. Hatidi kunyadziswa kuSouth Africa kuCosafa nekuti tagara tichizivikanwa tichitamba zvinodadisa mumutambo uyu.

“Manje-manje tiri kufanira kusangana neSouth Africa mumutambo wekurwira kuenda kuWorld Sup saka kana nhabvu ichitambwa zvinotibatsira zvikuru kuumba chikwata chakasimba chinosimudzira mureza wenyika,” anodaro Musekiwa.

Maneja wemaWarriors — Wellington Mpandare — anoti vane mutoro mukuru pakusarudza vatambi vanopinda muchikwata chaLoga chichanokwikiwdza kumutambo weCosafa Cup.

Mutambo weCosafa Cup uchatanga musi wa7 Chikunguru uye maWarriors anofanirwa kutanga gadziriro dzavo svondo rino musi weSvondo apo vatambi vachasarudzwa naLoga vachapinda mukembi.

Mpandare anoti zviri kuremera Loga nevatevedzeri vake kuti vasarudze chikwata chinoenda kumutambo uyu nekuti pakamiswa mitambo akange asati awana nguva yekuona zvikwata zvose zvichikwikwidza.
Loga anonzi akangokwanisa kuona mitambo yeChibuku Super Cup yakatambirwa uye ange achironga kuti aende Bulawayo Mutare neMidlands kunoona vatambi vezvimwe zvikwata apo pakabva pamiswa mitambo iyi.

Wellington Mpandare

Mpandare anoti kumiswa kwakaitwa nhabvu kwakabva kwadzorera basa rose kumashure.

“Cosafa Cup iri kutanga manje-manje saka tinofanirwa kunge tave kupinda mukembi nevatambi vatinenge tasarudza. Asi iye zvino zviri kutiomera nekuti hatina kuona mitambo yakawanda. Loga akangokwanisa kuona mitambo yemuHarare chete, haana kuzoenda kune mamwe mapurovhinzi achinoona mitambo yaitambwa ikoko,” anodaro Mpandare.

Kumutambo weCosafa, maWarriors akaiswa muboka rine zvikwata zvinosanganisira Senegal, Mozambique neNamibia.

Kusvika pari zvino, maWarriors ndiwo ari kutungamira pakuhwina mukombe uyu sezvo akwanisa kuuhwapura katanhatu.

Chikwata chenyika ichi chakapedzisira kutora mukombe uyu mugore ra2018 apo chairairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey