Nhabvu yevechidiki ngaisimudzirwe: Muponda

28 Nov, 2024 - 22:11 0 Views
Nhabvu yevechidiki ngaisimudzirwe: Muponda Gilbert Muponda

Abel Ndooka

MUZVINHABHIZIMUSI ane mukurumbira – Gilbert Muponda – anoti zvakakosha kutsigira vechidiki vane tarenda renhabvu nechinangwa chekuti mutambo uyu usimukire kusvika padanho repamusoro-soro muZimbabwe.

Kare, mitambo yezvikwata zvikuru zvakadai seDynamos, Highlanders neCAPS United isati yatambwa, paimbotanga patambwa yevechidiki vemazera akasiyana.

Izvi ndizvo zvakabatsira kusimudzira tarenda revatambi vanosanganisira Peter Ndlovu naAlois Bunjira.
Asi iye zvino nekuda kwekuti hazvichakosheswe, mitambo yevechidiki iyi haichambotambwe.

Muponda, uyo ane chishuwo chekuzotungamira Zimbabwe Football Association (ZIFA), anoti masangano ezvenhabvu anofanirwa kutsigira bhora revechidiki.

“Tingataure zvakawanda asi kuti nhabvu yedu isimukire uye isvike kure, tinofanirwa kusimudzira vechidiki, pasina izvozvo hapana zvatiri kuita.

“Nhabvu yevechidiki ndiwo musimboti wazvose. Isu tichikura taiziva kuti tikaenda kumitambo yenhabvu yakasiyana, taitanga tamboona zvikwata zvevechidiki zvichibandana. Asi mazuva ano hakuchina saka tinozowana vatambi venhabvu vanobvepi manje kana tisingasimudzire vechidiki?

“Ini ndinovimbisa kuti ndikapihwa chiremerera chekutungamira ZIFA yedu iyi, ndinoda kusimudzira nhabvu yevechidiki pamwechete neyemadzimai. Ndinokoshesa chaizvo madzimai avo ndinoti vanofanirwa kuwaniswa mikana yakaenzana seinopihwa vatambi vechirume,” anodaro.

Muponda anoenderera mberi achiti: “Munoziva munyika muno tikati purovhinzi yega-yega ive nenhandare yepamusoro, kumapurovhinzi ikoko vatsigiri venhabvu vanowanawo mukana wekuona chikwata chenyika chichitamba, kuchiti vatambi venhabvu vanobva kumapurovhinzi akasiyana vanowana zvekare mukana wekutambirawo chikwata chenyika izvo zvinobatsira kuti nhabvu yedu isimukire.”

Muponda anoti kana akapinda pachigaro chinopisa chekutungamira nhabvu yemuno, anoda kurwisa kupedza huwori uhwo anoti hwadzosera mutambo uyu kumashure.

Sangano reZIFA parizvino riri kutungamirwa nekomiti yeZIFA Normalisation iyo icharonga sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hutsva kutanga kwegore rinotevera munaNdira.

Share This:

Sponsored Links