Nhabvu yevechidiki yakanganisika‘ . . . tanzwa nekumirira’

21 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Nhabvu yevechidiki yakanganisika‘ . . . tanzwa nekumirira’ Godfrey Moyo

Kwayedza

Abel Ndooka
AIMBOVE mutambi weMotor Action, Lengthens neShooting Stars, Godfrey Moyo, anoti kusimukira kwenhabvu yevechidiki kuri munjodzi huru zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mitambo yose nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Moyo vazhinji vanomuziva achitambira maYoung Warriors Under-20 ne23.

Kubva zvaasendeka shangu dzake, Moyo ave kurairidza chikwata chePrime Academy chiri kuRuwa achibika vatambi vemangwana.

Muhurukuro neKwayedza, Moyo anoti kubvira pakamiswa mitambo mizhinji senzira yekuti vanhu vasaungane nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19 vechidiki vari kurasikirwa zvikuru munyaya dzekusimudzirwa mumutambo wenhabvu.

“Ini ndinotyira zvikuru vechidiki vedu nekuti vakasiiwa vari vega vamwe vanofuririka vakapedzisira vave kutora zvinodhaka muviri zvopedzisira zvavakanganisa remangwana ravo.

“Nhabvu yevechidiki yakakosha nekuti ndivo vatambi vemangwana saka vanofanirwa kukosheswa vogara vachibikwa. Asi manje nekuda kwelockdown hatizive kuti vamwe varipi uye vari kuitei, totovatyira nekuti sevana vakasaongororwa remangwana ravo rinoenda mudondo.

“Ndipo paye mutambi anenge achirakidza kuti tarenda riripo uye remangwana rake rakajeka mozongonzwa kuti nhabvu haachatambe, azvisiya zvose afuririka. Isu patinosangana navo tinovadzidzisa nhabvu uye zvehupenyu asi tikaita nguva tisinawo ndipo vanopedzisira vafuririka,” anodaro Moyo.

Sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa) nguva yadarika rakazivisa kuti rinoda  kutangisa zvirongwa zvekusimudzira vechidiki mumutambo wenhabvu (junior league) kumapurovhinzi akasiyana enyika asi zvose zvakazoenda mudondo nekuuya kweCovid-19.

Panguva yaakatamba nhabvu, Moyo akakwanisa kuhwina mikombe inosanganisira Banc ABC neLengthens uye neMotor Action izvo zvakazomuona achitamba mumitambo yeConfederations Cup pamwe chete neChampions League neLengthens neMotor Action zvakare.

Share This:

Sponsored Links