Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa

06 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa GODFREY ‘Goda’ Moyo (kuruboshwe), Samuel Horonga (wechipiri kubva kurudyi) naBeaven Chikaka (wechitatu kubva kurudyi) vaine chikwata chePrime Rangers masvondo adarika apo vaikwikwidza pamutambo weUnder-21 Challenge League end of year tournament muHarare

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA dzakambonetsa munhabvu – Godfrey ‘Goda’ Moyo naBeavan Chikaka – vobatana mukusimudzira vatambi vechidiki izvo zviri kuvaona vachirairidza chikwata chePrime Rangers Soccer Academy.

Goda, sekuzivikanwa kwaanonyanya kuitwa munhabvu, akatambira zvikwata zvinoti Motor Action, Lengthens neShooting Stars kuchiti Chikaka akatambira CAPS United, Highlanders, Zimbabwe Saints, Black Rhinos neTafic yekuBotswana.

Vatambi vaviri ava vose pavange vave kunosendeka shangu dzavo dzenhabvu vakasangana kuPrime Rangers FC iyo yaikwikwidza muDivision One uko kunove kwavave kurairidza iye zvino vachibika vatambi vemangwana. Kuchikwata ichi, varairidzi vaviri ava vari kushanda nezvikwata zvemapoka anoti Under-11, 12 ne21.

Muhurukuro neKwayedza svondo radarika pamhemberero dzePrime Rangers Academy apo vaipa mibairo kuvatambi vavo vakadadisa mugore ra2021, Goda anoti akabatana naChikaka nechinangwa chekubika vatambi vechidiki kuti vagokwanisa kusimukira mumutambo uyu.

“Nhabvu yedu kuti ibudirire tisvike kure, tinofanira kubika vechidiki zvakasimba nekudaro ndiko saka ini naChikaka takabatana kuchikwata chePrime Rangers Academy. Ruzivo rwatakawana munhabvu tiri kurwupawo kune vechidiki kuti vagokwanisa kudarika padanho ratakasvika isu,” anodaro Goda.

Anoti nerutsigiro rwavari kuwana kubva kumutungamiri wePrime Rangers, Samuel Horonga, vari kuona chiyedza chikuru zvekuti vane vatambi vakawanda avo vanofunga kuti vanogona kuenda kunotambira kunyika dzakaita seSouth Africa nekuEurope mune remangwana.

“Chishuwo chemutambi wese wenhabvu wemazuva ano kunotambira padanho repamusoro kuEurope kana kuSouth Africa chaiko. Tine vatambi avo tinofunga kuti vanogona kusvika padanho iri zvekuti vakaramba vakangozvininipisa chete vanosvika kure mumutambo uyu,” anodaro.

Chikaka anotiwo chikwata chavo gore rino chichakwikwidza muligi reUnder-21 Challenge League izvo vanovimba kuti zvichabatsira vatambi vavo kuti vagoonekwa nezvikwata zvikuru zvemuno nezvekunze.

“Mwaka uno tiri kuzokwikwidza muUnder-21 Challenge League umo tinovimba kuti muchabatsira vatambi vedu vagoonekwa nezvikwata zvizhinji.

“Ligi iri rakakosha nekuti ndipo panovhurirwa mikana yevatambi vazhinji yekusimukira mumutambo uyu. Masvondo adarika, takakwikwidza kumutambo wekupedzisira wegore uyo takasvika mufainari, matambiro atakaita akafadza zvikuru zvekuti tiri kutarisira kutanga kweChallenge League,” anodaro Chikaka.

Mumutambo weUnder-21 Challenge League, Prime Rangers ichakwikwidza nezvikwata zvinosanganisira Friendly Academy neBN Academy kutanga munaKukadzi.

Share This:

Sponsored Links