Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa

23 May, 2024 - 14:05 0 Views
Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa Adomsi Makwasi (kubva kuruboshwe) mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, Kurai Emmanuel Chikoko, Prince Nedziwe naMunyaradzi Abel Chari veClassic Solar vakabata mabhora avakatenga ayo achazotambwa nevechidiki.

Kwayedza

Abel Ndooka

VECHIDIKI vanotamba nhabvu kubva munharaunda dzakasiyana vachawaniswa mukana wekusimudzirwa matarenda avo kuti vagadzire mazita avo mumutambo uyu kuburikidza nechirongwa chakavambwa nekambani yeClassic Solars.

Kambani yeClassic Solars iri kuita chirongwa ichi nechinangwa chekubvisa vakomana nevasikana kubva mune zvinodhaka. Mutungamiri weClassic Solars – Kurai Emmanuel Chikoko – anoti vakazviona zvakakosha kuti vasimudzire vechidiki vari munharaunda dzakasiyana kuti vagove neremangwana rakanaka.

“Tikatarisa munyika medu kune vatambi vakawanda venhabvu vasingamboonekwe nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana saka isu tiri kuda kufamba kwese tichitsvaga vatambi ava kuti tigosimudzira.

“Vechidiki tikavapa mukana uyu wekuti vasimuke mune zvemitambo, kusanganisira iyo nhabvu iyi, tinenge tavagonera chaizvo nekuti tikangovasiya vari vega ndipo dzimwe dzenguva vanozopedzisira vave kutora zvinodhaka.

“Tagara pasi nechikwata chenhabvu chinonzi KEC FC saka tinoda kuti vatambi vatichasimudzira vagopinda muchikwata ichi vasvike kure nemutambo uyu,” anodaro Chikoko.

Anoti kunze kwekusimudzira matarenda evechidiki mune zvemitambo, vachavatsigira zvekare mumabhindauko emabasa emaoko akasiyana.

“Isu chatiri kushanda nacho zvakasimba kuona kubudirira kwevechidiki vanobva munharaunda dzakasiyana.

“Havasi vese vachabudirira mune zvemitambo saka vanenge vakundikana tinoda kuvadzidzisa mabasa emaoko akasiyana kuti vagone kuzvishandira pane kuswera vakangogara nekuti ndipo pavanozopedzisira vave kutora zvinodhaka.

“Kunyangwe ivo vachabudirira kufambira mberi mune zvemitambo, vanofanirwa kudzidziswa zvekare kuzvishandira nekuti pavachazorega kutamba nhabvu kana mimwe mitambo vanowana zvekuita mune remangwana muhupenyu vachiraramisa mhuri dzavo,” anodaro Chikoko.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey