NHABVU YORWISA COVID-19

08 May, 2020 - 00:05 0 Views
NHABVU YORWISA COVID-19 Chido Chizondo

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvenhabvu izvo zvinokwikwidza muCastle Lager Premiership zvakatora matanho ekubatana nemamwe masangano mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nezvirongwa zvinosanganisira kupa chenjedzo yedenda iri.

Kwayedza yakaita hurukuro nezvimwe zvezvikwata izvi kusanganisira Dynamos, Highlanders neFC Platinum izvo zvinotaura pamusoro pezvirongwa zvazviri kuita munharaunda yazvinobva.

Mukushi wemashoko kuDynamos FC, Tinashe Farawo anoti sechikwata, vari kushanda nevanhu vakasiyana mukupa chenjedzo kuvanhu pamusoro peCovid-19 achiti vatambi veDeMbare vari kuvashandisa kugadzira mavhidhiyo ayo vanotumira vanhu vachivayambira kuti vagare vakachengetedzeka.

“Isu sechikwata, tiri kupa chenjedzo kuvatsigiri vedu kuti ngavagare vakachengetedzeka panguva ino, nekuti chirwere ichi chiri kupararira. Mukudaro, tine mavhidhiyo evatambi vedu vachitaura nezvechirwere ichi ayo tiri kugadzira tichitumira kuvanhu tichivapa yambiro.

“Tiri kushanda zvekare nemasangano akasiyana uye vamwe vanhu vakuru kuti tirwise denda iri uye tibatsire vatsigiri vedu panguva ino,” akadaro Farawo.

Mutevedzeri wasachigaro weHighlanders, Modern Ngwenya anoti Bosso yakabatsira chimwe chipatara chekuBulawayo nemari sedanho rekurwisa coronavirus uye vatambi vavo vari kubika mavhidhiyo ayo ane mashoko ari pamusoro pedenda rabata nekuuraya vanhu vakawandisa pasi rose iri.

“Isu takabatsira chimwe chipatara nemari yekushandisa kutenga zvinodiwa mukurwisa coronavirus. Vatambi veduzve vari kubika mavhidhiyo ayo ane shoko rechenjedzo ayo tiri kutumira kune veruzhinji,” anodaro Ngwenya.

Muhurukuro nemutauriri weFC Platinum, Chido Chizondo anoti sechikwata, vari kuita basa guru munharaunda yeZvishavane nedunhu rose reMidlands kusanganisira kupa chenjedzo uye kupa masanitizers kuti veruzhinji vashandise kubvisa kana kuuraya hutachiona.

“Tine rudo nenharaunda yatinobva saka tiri kuita mabasa akasiyana ekubatsira anosanganisira kupa masanitizers uye kupakura chenjedzo pamusoro pechirwere ichi. “Chokwadi chirwere ichi chiriko uye chiri kuuraya vanhu saka isu sechikwata chevanhu chine vanhu pamoyo, tiri kuita zvose zvatinokwanisa kuti tibatsire vatsigiri vedu panguva ino,” akadaro Chizondo.

 

 

Share This:

Sponsored Links