Nhamo yekubarwa usina chibereko

31 Mar, 2022 - 14:03 0 Views
Nhamo yekubarwa usina chibereko Febby Mercy Chinzodzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

DAMBUDZIKO rekuzvarwa kwemunhukadzi asina chibereko kana nzvimbo inogara mazai (ovaries) riri kushungurudza vakadzi vakawanda zvichitevera kubuda pachena kuri kuita mamwe madzimai nevanasikana vachipupura.

Febby Mercy Chinzodzi (23) anoti akabarwa asina chibereko pamwe nenzvimbo inogara mazai muchibereko (uterus neovaries) uye nenhengo yesikarudzi isina kuita zvakanaka.

Musikana uyu chizvarwa chemuno muZimbabwe asi pari zvino ari kuSouth Africa uko ari kuzama kubatsirwa padambudziko iri nemachiremba.

Kusava nechibereko uye nzvimbo inogara mazai, zvinoreva kuti Febby haasi kutevera sezvinoita vamwe vanhukadzi uye vanachiremba vakatomuzivisa kuti haakwanisi kuita mwana upenyu hwake hwose.

“Dambudziko randiinaro vanachiremba vanoti rinonzi Mayer-Rokitansky-Küster-Hauser (MRKH) rinova rinowanikwa pamusikana kana kuti mukadzi mumwe chete pakati pe4 500 – 5 000 apo munhukadzi anozvarwa asina chibereko kana nzvimbo inogara mazai.

“Vamwewo vanogona kuzvarwa vaine stage 2 (MRKH 2) apo vanenge vaine chibereko chete asi musina nzvimbo inogara mazai.

Vamwe vari mumupanda mumwe chete uyu vaine kachibereko kadiki-diki sekemwana mucheche. Irori idambudziko rinoita kuti vazhinji varambwe nevadikani vavo. Saka murume anogona kurwadziwa zvakanyanya uye bonde panenge pasitorina zvachose,” anodaro.

Febby anoenderera mberi achiti, “Ndakambobatsirwa kuSally Mugabe Central Hospital asi hapana shanduko yakavapo nekuti dambudziko randinaro haritogadzirisike zvachose. Kana kuti ndifunge zvekuti ndichapinda muwanano handina tarisiro iyoyo nekuti handitozivi kuti ndinozvitanga sei kumunhu anenge achida kundiroora kuti ndimutsanangurire zvandiri sezvo riri dambudziko risati ranyanya kuzivikanwa nevazhinji.”

Febby anoti pari zvino pfungwa dzake dzakanangana nekuzvishandira achichengeta amai nevakoma vake.

“Mukukura kwandaita, ndaingofungawo kuti ndiri musikana ane mitezo yake yakakwana sevamwe nekuti hapana chairatidza kunge chakaipa pandiri. Pandaive kupuraimari, handina chaindinetsa nekuti ndaingovawo mudiki sevamwe.

“Pandakazoenda kusekondari apo ndava kuita Form 1, ndipo pandakatanga kuona musiyano wangu nevamwe vasikana vezera rangu. Vamwe vasikana vakanga vava nemazamu uye vachitevera asi ini ndisiri,” anodaro.

Febby anoti akafamba nevabereki vake kumaporofita nekun’anga vachiedza kugadzirisa dambudziko iri asi zvakaramba.

“Pandakanga ndava Form 2, ndipo pakatanga dambudziko guru apo ndakanga ndava kupihwa mazita nevamwe vandaidzidza navo pamwe nekunharaunda yandaigara. Amai vangu nekurwadziwa nazvo, vakafunga kuti ndakaroyiwa vachibva vatanga kuenda neni kumaporofita kunova kwatakaudzwawo kuti dzimwe hama dzepedyo (dzekwababa) ndidzo dzaikonzeresa kuti ndive zvandiri tikapihwa minamato yekushandisa asi hapana chakashanduka.

“Takaenda kun’anga zvekare takaudzwa nyaya imwe chete ndokupihwa mushonga asi hazvina kushanda,” anodaro.

Anoti chokwadi chakazonobuda pavakaenda kuchipatara kuti akanga asina chibereko nenzvimbo inogara mazai.

“Ndakazofunga zvekuenda kuchipatara ndikanoona chiremba anoona nezvechibereko (gynaecologist) kuSally Mugabe Central Hospital. Vakanditarisa vakati ndinofanirwa kuitwa ongororo yeropa nekutariswa kuti ndine chibereko here.

“Ndipo pakaonekwa kuti ndainge ndisina chibereko nenzvimbo inogara mazai uye mahomoni anoratidza kuti ndiri mukadzi ainge ari mashoma (X-chrimosomes), ndakaonekwa ndiine rimwe chete. Ndine twumazamu twudiki-diki.

“Chiremba akandiudza kuti handife ndakaita mwana muupenyu hwangu uye ndine sikarudzi inorwadza zvakanyanya nekudaro ndinofanira kuitwa oparisheni kuti ndikwanise kuzoita bonde nemurume,” anodaro.

Febby anoti akarwadziwa zvikuru kunzwa chishamiso cheupenyu hwake ichi.

“Ndakarwadziwa zvikuru ndikabvunza kuti sei Mwari vakafunga kundisika nenzira iyi. Ndakatanga kunzwa kusada kuenda pane vamwe vanhu ndava kugara pangu ndega uye ndisingachadi kana kutaura nevanhu.

“Ndakatombofunga kuda kuzviuraya. Ndakatanga kuenda paindaneti ndichitaura nezvedambudziko iri ndikazodzidza zvakawanda zvakajekesa pfungwa dzangu uye zvandaiona zvichinyorwa munhau senyaya yaZerripa Amon Phiri iyo yakabuda muKwayedza.

“Ndipo pandaida kuzviuraya asi nyaya iyi yakandinyaradza ndikaziva kuti handisi ndega ndine dambudziko iri muZimbabwe nedzimwe nyika, kune vakawanda asi vanonyara kubuda pachena nekutya kuny’ombwa kana kusekwa,” anodaro.

Febby anoti kudurura zviri pakati pemoyo wake kupepanhau rino kuedza kubvisa nyaya dzerusarura dziri maringe nedambudziko reMRKH uye kuti vamwe vanaro vabatsirikane.

“Kuno kuSouth Africa, ndinoshanda mabasa emumba uye ndinototya kudzoka kumusha kuZimbabwe nokuti ndiko kune vanhu vaindiseka nekuda kwedambudziko iri asi vemhuri yangu vanonditsigira zvikuru,” anodaro.

Zerripa Amon Phiri mumwe wevane dambudziko iri anova ane nyaya yakambobuda mubepanhau rino.

Zerripa Amon Phiri

Zerrripa akatonyora bhuku pamusoro pedambudziko iri kuti pasave nerusarura rinodaidzwa kuti “Im Also A Woman”.

Mumwe mudzimai wekuDomboshava, Onai Mugara (48), uyo ane dambudziko iri zvakare, anoti anoshuvira kuti kudai awanawo vanomubatsira kuti arapwe.

Pari zvino ari kuSouth Africa zvekare uko ari kushanda zvekare achibatsirwa mukurapwa.

Anoti pakutanga, aiedza kugadziriswa sikarudzi yake nemaporofita vachishandisa zvimuti avo vaisazivawo nezvedambudziko iri.

Mai Edinah Masiiwa vanova director wesangano rinoona nezvekodzero dzemadzimai reWomen’s Action Group (WAG) vanoti madzimai anoda kutsigirwa pautano hwavo hwesikarudzi kuti vakwanise kurapwa nenguva sezvo vakawanda vavo vanombunyikidzwa nemaporofita kana n’anga vachinyepera sevari kuvabatsira asi zvichizomutsa matambidziko makuru.

Share This:

Sponsored Links