Nhamo yemadzimai vanorwara ne’obstetric fistula’

31 May, 2023 - 16:05 0 Views
Nhamo yemadzimai vanorwara ne’obstetric fistula’ Mai Tendai Chimana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuBirchenough Bridge anoti akasvitsa makore 12 achingobuda weti netsvina zvisina tsarukano (obstetric fistula) izvo zvakatanga apo akaita dambudziko pakubara mwana.

Mai Tendai Chimana (40) vanoti panguva iyi zvaisave nyore sezvo vaigara vakapfeka manapukeni.

Vakataura mashoko aya pazuva rekucherechedza vanhukadzi vane dambudziko iri, reInternational Day to End Obstetric Fistula iro rinocherechedzwa musi wa23 Chivabvu.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakaita musangano nemamwe emadzimai aya uye vatori venhau richivafundisa nezvematanho anokwanisa kutorwa kuti matambudziko erudzi urwu adzivirirwe.

Madzimai nevasikana vane dambudziko iri vanokwanisa kuridza nhare pachena paToll Free nhamba inoti 08080231 kuti vawaniswe ruzivo maringe nekwavanenge vachifanira kuenda kunobatsirwa uye vanopihwa zvekare mari dzekufambisa.

Mai Chimana vanoti vakaroorwa vaine makore 14 okuberekwa nekuda kwekutambura kwavaiita muupenyu hwavo.

“Ini ndakaroorwa ndiine makore 14 ekuberekwa nekuda kwekuti ndaiva nherera, ndaitochengetwa natete nababamukuru. Babamukuru vakakundikana kuzowana mari yekuti ndienderere mberi nechikoro kudakara ndazoroorwa kuBocha.

“Ndakaita nhumbu asi ndakanonokerwa kuchipatara nekuti ndakamboendeswa kune vamwe mbuya vanobatsira kuHighfield kwataigara. Ndakazoendeswa kuchipatara kwaMutare asi ndainge ndanzwa nekurwadziwa.

“Pandakasvika pachipatara, machiremba akati mwana ainge atoshaya saka ndakavhiiwa mwana akaburitswa, ndipo pandakasara ndichirwara zvikuru uye pakanyuka dambudziko rangu riri,” vanodaro.

Mai Chimana vanoti panguva iyoyo kwainge kusati kwava nemizinda inobatsira mukusona madzimai ane dambudziko iri izvo zvakaona vachipedza makore 12 vachingobuda weti zvisina tsarukano.

“Ndakasvika pakuzobuda muchipatara ndiine dambudziko iri kusvika mugore ra2015 apo ndakazonzwa paredhiyo nezveshambadzo yekuti kune chipatara chava kuita maoparisheni ekusona vanhu vane dambudziko rakaita serangu. Ndakabva ndatengesa mbudzi ndokuwana mari yebhazi ndichibva ndaenda kunobatsirwa kuChinhoyi Provincial Hospital.

“Zvese ndakazviitwa pachena, kana mari yebhazi ndakapihwa uye ndakawana kuine mamwe madzimai akawanda ainge aine dambudziko iri vainge vanobatsirwa,” vanodaro.

Mai Chimana vanoti wanano yavo yakaparara nekuda kwedambudziko iri asi zvisinei, vakazowana mumwe murume akavada zvakadaro kusvikira nanhasi vachiri vose.

“Ndakasangana nekusemwa kukuru zvekuti ndaisaenda kuchechi, kumisangano, kumisika kana kunochere mvura nedzimwe nzvimbo dzinosangana veruzhinji. Ndaitogeza kana (4) kana kashanu pazuva ndichipfeka machira ekugama weti zvekuti ndakasvika pakusvuuka nekuita maronda.

“Weti yacho inenge ichingobuda, hauinzwi nekuti duriro rinogara weti rinenge rakabvaruka panguva yekubara. Ndiko kurwadza kwazvo,” vanodaro.

Mai Chinama havasiriwo vega vakasangana nedambudziko iri sezvo kuine madzimai akawanda ane nhoroondo inosuwisa.

Mai Norah Botman (36) vemuHarare vakasanganawo nedambudziko iri panguva yekubara zvichitevera kunonokerwa kubatsirwa kwavakaitwa nemachiremba, asi vari muchipatara.

Norah Botman

“Mwana wangu ainge akakura zvakanyanya achirema 4,8kg uye ari murefu. Saka akakurumidza kubuda nesimba nekudaro nekukura kwaainge akaita, ndakakuvara ndikaita nguva ndichibuda tsvina neweti zvisina tsarukano. Murume wangu aishandira kunze kwenyika saka ndakamutsanangurira akazvinwisisa.

“Ndakamboenda kuzvipatara zvakazvimirira asi vaiti vanoda US$2 000 ndikakundikana kuiwana kuti ndisonwe. Ndakazofara kunzwa nezvechirongwa ichi ndichibva ndaenda kunobatsirwa. Ndinofara zvikuru nekuti ndavawo mudzimai ane chimiro, ndava kuenda kuchimbuzi panguva yandinenge ndava kunzwa kuda nekuti kumashure uku handainzwa kuti ndiri kuda kuita weti kana tsvina, zvaingobuda,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa pasi rose, zvakaonekwa kuti madzimai anosvika 2 miriyoni ane dambudziko iri uye nyaya itsva dzerudzi urwu dzinosvika 100 000 pagore.

Zhinji dzenyaya idzi dziri kuwanikwa kumatunhu eSub-Saharan Africa, Latin America neSouth Asia.

Dr Malvin Venge vanova Obstetric Specialist kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti madzimai haafaniri kurwadziwa nenhumbu kwenguva refu nekuti ndiyo imwe mviro-mviro inozova nemagumo akadai panguva yekubara.

Dr Marvin Venge

“Kunonoka kuenda kuzvipatara, kubarira mudzimba kana kumachechi pachinzvimbo chekuenda kuchipatara nenguva nekuita pamuviri munhu asati asvitsa makore 25 ekubererwa mitezo yemuviri isati yanyatsokura ndizvo zvimwe zvinokonzera dambudziko iri,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naDr Lucia Gondongwe vanova deputy director kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vachiti: “Tinokurudzira madzimai akazvitakura kuti ashanyire zvipatara kasere vachienda kusikero kunovhenekwa nekuti zvinobatsira kuti machiremba akurumidze kuona nzira dzavangatora mukubatsiridza kana pachinge paine mikana yekuita matambudziko. Tine mamwe madzimai akawanda ayo anozoda kuenda kuzvipatara kana nhumbu dzanzwa nekurwadza vachiri kumba vachiti vanenge vachitya kuvhiiwa nyambisirwa ndipo panozouya matambudziko iwaya.”

Hurumende, ichishanda nevatsigiri, vari kubatsira madzimai ane dambudziko iri uye kusvika pari zvino madzimai anodarika 900 vakatobatsirikana.

Mizinda iri kubatsirwa madzimai ane dambudziko rakadai inosanganisira Chinhoyi Provincial Hospital, Mashoko Christian Hospital, Morgenster Mission Hospital, Chidamoyo Christian Hospital neMutambara Mission Hospital.

Kune machiremba anosvika 29 ari kudzidziswa kuti vabatsirane nemadzimai mukuedza kuzadzikisa donzvo rekupedza dambudziko iri mugore ra2030 uye zvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goal nhamba 3 zvekuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara.

Share This:

Sponsored Links