Nhamo yezvimbuzi yakura muHarare

13 Jun, 2024 - 20:06 0 Views
Nhamo yezvimbuzi yakura muHarare Vanhu vachibhadhariswa kupinda muchimbuzi cheMobile

. . . veruzhinji voponera mumikoto

. . . kana kubhadhariswa 50 cents

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kuchema-chema nekatsika kanonzi kari kuitwa nevashandi vekanzuru yeHarare vemuzvimbuzi zvinopindwa nevanhu pachena, avo vanonzi vanopedza nguva yakareba vachiti vari kuzvigeza zvinoita kuti vapedzisire vave kushandisa zvimbuzi zvemhando yema”mobile toliets” izvo zvavanobhadhariswa mari.

Zvimbuzi zvema”mobile toilets” zviri pasi peboka reZimbabwe Mobile Toilets Association iro rakazvimiririra.

Vamwe vemamobile toilets aya vari kupomerwa zvekare mhosva yekukuturira tsvina yavo muma”manhole” ari pedyo nezvimbuzi zvekanzuru pavanoshandira uye izvi zvinonzi zvinoitwa husiku.

Kana tsvina iyi ikakuturirwa muma”manhole” aya, inobva yavhara pombi dzinofambisa suweji izvo zvinoitawo kuti zvimbuzi zvekanzuru zvitadze kushanda zvakanaka.

Pane mashoko anotiwo vashandi vekanzuru yeHarare vari kupihwa chiokomuhomwe nevemamobile toilets kuitira kuti vaite chikiribidi chekuvhara zvimbuzi zvavo kwenguva yakareba vachiita sevari kuzvigeza izvo zvinozomakidzira vanhu kushandisa mamobile toilets anobhadhariswa.

Nerimwe divi, vamwe vashandi vekanzuru vanonzi vari kubhadharisa zvekare veruzhinji US$0.50c kuti vapinde muzvimbuzi zvepachena.

Kwayedza svondo rino yakamema zvimbuzi zvekanzuru muguta reHarare ikanzwa matambudziko gumi nefararira ari kusangana neveruzhinji.

“Chimbuzi chekunaSimon Vengai Muzenda Street (Forth Street) chava kugara chichiputika suweji izvo zvinonzi zviri kukonzerwa nekurasirwa kwetsvina muma”manhole” ezvimbuzi zvekanzuru nevemamobile toilets uye izvi zvinonzi zvinoitwa nevakomana vanogara mumigwagwa avo vanopihwa basa iri munguva dzehusiku,” anodaro mumwe munyeveri.

Zvisinei, vamwe vashandi vemamobile toilets vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

“Taurai nemurungu wedu, isu tinongogamuchira mari vanhu vachipinda, tinochaja US$0,50c pamunhu kuti ashandise zvimbuzi zvedu. Chatinoziva ndechekuti kune motokari dzinotouya dzichitakura tsvina iyi dzeHoney Sucker uye hatisati hedu tamboona vachidira mumakomba ayo ari kuzara echimbuzi,” anodaro mumwe wevashandi vemamobile toilets pachiteshi chemabhazi chepanaSimon Vengai Muzenda.

VaJustice Zvirevo, avo vanova mutengesi wepamusika, vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kutora matanho akasimba ekugadzirisa matambudziko ari kusananganikwa nawo neveruzhinji pakushandisa zvimbuzi.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Tabeth Makwengura vanotengesa pamusika panaSimon Vengai Muzenda vachiti zvimbuzi zvepanzvimbo iyi zviri kugara zvichingovhara nesuweji.

Kwayedza yakashanyirawo zvimbuzi zvepaCharge Office izvo zviri kushanda zvakanaka asi dambudziko riripo nderekuti zvinopedza nguva yakareba zvakavharwa zvichinzi zviri kugezwa.

Izvi zviri kuona vamwe vanhu vasina mari yekubhadhara kuti vapinde mumamobile toilets vachipedzisira voitira weti mumikoto kana muzvigubhu vachikanda pese-pese zvinova zvinokanganisa utano hweveruzhinji panguva iyo Zimbabwe iri kurwisana nekupararira kwechirwere checholera.

VaSolomon Mandela

VaSolomon Mandela, avo vanova chief-rank-marshal paCharge Office, vanoti vanorwadziwa nekukiiwa zvisina tsarukano uko kuri kuitwa zvimbuzi zvekanzuru muHarare.

“Tinotenda zvikuru Hurumende nechirongwa chekuchenesa maguta nemadhorobha asi ndinorwadziwa kuti chirongwa ichi chave kukunganiswa neavo vari kukiya zvimbuzi. Vamwe vanhu vanopinda mumabhazi voitira weti muzvigubhu, vokanda pamusoro pemashedi eparengi. Zvinorwadza zvikuru nekuti vashandi vekanzuru vanotsvaira vaya ndivo vari kubata tsvina idzi, vamwe vacho vasina kana magirovhosi. Munoti kuitawo here?

“Zvimbuzi ngazviwande zvisingabhadhariswi mumarengi nekuti vanhu kana vasina mari vanoenda kumikoto,” vanodaro.

Chimbuzi chepaCopacabana Bus Terminus chine dambudziko rimwe chete iri rekutushuka kwetsvina.

PaMarket Square Bus Terminus, zvimbuzi zvepo zviri kushanda zvakanaka, asi zvine makomba mashoma nokudaro vanhu vanogara vaita mudungwe vachimirira zvijana zvekupindamo.

VaStanely Gama

Mukushi wemashoko kukanzuru yeHarare, VaStanley Gama, vanoti zvimbuzi zvavo zveveruzhinji hazvisi kushanda zvakanaka.

“Tiri kuita ongororo maringe nekambani yakazvimiririra iyo ine zvimbuzi zvemamobile toilets inova iri kupomerwa mhosva yekurasira tsvina muzvimbuzi zvedu zvinova zviri kuita kuti tsvina itushuke. Takatotuma chikwata chedu chiri kuita ongororo iyoyo.

“Tinobvuma kuti zvimbuzi zvedu zveveruzhinji zvishoma zvikuru uye hazvisi kushanda nemazvo nekudaro tinovimba tichaedza kugara pasi tigadzirise dambudziko iri,” vanodaro.

VaGama vanoenderera mberi vachiti: “Vashandi vedu vekuzvimbuzi vanotanga basa na6am mangwanani vachipedza na7 dzemanheru saka tinotarisira kuti zvimbuzi zvinge zvichishandiswa nemazvo. Asiwo pane imwe nguva yavanovhara vachizororawo kwenguva diki. Tiri kutotarisira kuti zvimbuzi zvinge zvichishandiswa kunyangwe husiku asi dambudziko nderekuti zvimbuzi zvedu hazvina mwenje nekudaro zvinonetsa kushandisa kana muine rima.”

Zvakadaro, muridzi wemamobile toilets uyo akangozivikanwa saMuteya haana kudaira nhare yake kuti ape rutivi rwake apo akaridzirwa nhare kakawanda.

Share This:

Sponsored Links