‘Nhandare dzese ngadzishandiswe muPSL’

24 Mar, 2023 - 11:03 0 Views
‘Nhandare dzese ngadzishandiswe muPSL’ Justice Majabvi

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi weDynamos, LASK Linz yekuAustria, Simba Sports Club yekuTanzania nemaWarriors — Justice “Chief Justice” Majabvi — anoti zvinosuwisa zvikuru kuona kuti munyika mangosara nhandare nhanhatu chete dziri kunzi dzitambirwe bhora rePremier Soccer League (PSL).

Zvikwata zvinokwikwidza muPSL i18 asi pari zvino pachange pachingoshandiswa nhandare nhanhatu chete dzinoti National Sports Stadium (NSS) muHarare, Mandava Stadium kuZvishavane, Luveve Stadium kuBulawayo, Babourfields kuBulawayo, Gibbo Stadium kuTriangle neBaobab Stadium kuNgezi.

Izvi zviri kuona zvikwata zvakaita seZPC Kariba ichiuya kuHarare kuzotambira mitambo yayo yepamusha muNational Sports Stadium sezvo nhandare yayo yeNyamhunga Stadium haina kutenderwa kuti itambirwe nhabvu.

Nerimwe divi, zvikwata zvakaita seManica Diamond iri kumbofanoshandisa Gibbo Stadium senhandare yayo.

Svondo rino, Manica Diamond iri kusangana neTriangle United paGibbo Stadium inova nhandare yeTriangle United asi Manica Diamond ichange ichinzi ndiyo iri pamusha.

Chief Justice anoti nhabvu inofanirwa kutekeshera nyika yese uye zvikwata zvitambire mitambo yazvo pamusha pazvo sezvo zvichipa vatsigiri mukana wekuona bhora.

“Chatinoziva kuti chikwata chese chenhabvu chinofanirwa kutambira mitambo yacho munzvimbo yachinobva pamberi pevatsigiri vacho izvo zvinochibatsira nenzira dzakasiyana, kungave kuunganidza mari nekuwana rutsigiro kubva kuvatsigiri vazvo.

“Vatsigiri venhabvu iye zvino vari kutadza kuona zvikwata zvavo zvichitamba nekuti zviri kutambira mitambo yazvo kune mamwe maguta”.

Share This:

Sponsored Links