Nhandare itsva yecricket yovakwa

16 May, 2024 - 20:05 0 Views
Nhandare itsva yecricket yovakwa Givemore Makoni (kuruboshwe), Martin Chivhoko (kurudyi) naLivingston Churu munyori mukuru weguta reGweru

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Cricket rakaita chibvumirano neguta reGweru izvo zvichaona muguta iri muchivakwa nhandare itsva yepamusoro-soro yeCricket apo Zimbabwe yakatarisana nekuronga mitambo miviri mikuru ye2026 ICC Under-19 Men’s Cricket World Cup ne2027 ICC Men’s Cricket World Cup.

Pasi pechibvumirano ichi, ZC yakapihwa nzvimbo yakakura mahekita 10 446 apo ichavakisa nhandare yecricket.

Muchinyorwa chakabva kuZC, managing director weZimbabwe Cricket – Givemore Makoni – anoti chibvumirano chavakanyorerana neguta reGweru chakakosha izvo zvichaona mutambo wecricket uchikura.

“Ichi chinhu chikuru kana tichitaura nyaya dzekusimukira kwecricket sezvo zvichireva kuti tiri kuunza mutambo uyu kupurovhinzi yeMidlands.

“Chimwe chezvinhu zvatiri kuita kuti mutambo wedu uve mukuru saka kuti zviitike, tiri kuendesa mutambo uyu kumativi mana ese enyika,” anodaro Makoni.

Meya weguta reGweru – Martin Chivhoko – anotiwo: “Seguta tiri kufara nechibvumirano chataita ichi neZC chekusimudzira mutambo uyu muguta redu.

“Izvi zvichabatsira kusimukira kwenyika munyaya dzehupfumi sezvo tichange tave nevashanyi vakawanda vachauya vachizoona mutambo wecricket uchitambwa muguta redu.”

Zvakadaro, svondo radarika ZC yakagamuchira vatambi vemaChevrons vaviri — Wessly Madhevere naBrandon Mavuta — avo vainge vatemerwa zvirango zvekusatamba mutambo uyu mushure mekubatwa nemhosva yekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

Madhevere naMavuta vakatemerwa zvirango zvekusatamba mutambo uyu kwemwedzi mina pamwechete nekubatirwa mari yavanotambira kwemwedzi mitatu.

Panguva iyo vainge vakatemerwa zvirango izvi, vaiita gadziriro dzavo pasi pechirongwa cheZC high performance programme.

Makoni anoti ZC yakagamuchira vaviri ava nemaoko maviri uye vanotarisira kuona vachienderera mberi nekutamba mutambo uyu.

“Tinonzwa kufara kugamuchira Wessley naBrandon nekudzoka kuzotamba mutambo uyu zvichitevera kuenda kwavakaita pachirongwa chekuvachenesa uye ndokupasa apo vakazotariswa zvekare vachida kuonekwa kuti mumuviri mavo mune zvinodhaka here.

“Chimwe chinhu chikuru ndechekuti vatambi ava vakabvuma kuti vakakanganisa, vakatsidza kuti vachagara vakachena uye vongofunga zvekutamba mutambo uyu wecricket,” anodaro Makoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey