Nhomba yeHIV neyeCovid-19

11 Oct, 2021 - 18:10 0 Views
Nhomba yeHIV  neyeCovid-19 Dr Hunidzarira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYANZVI dzesainzi – idzo dziri kuita ongororo yemajekiseni ekudzivirira hutachiona hweHIV (Imbokodo HIV Vaccine) – dzinoti hadzisi kuzorasa tariro pakuramba vachiita tsvakurudzo sezvo vaine chivimbo chekuti HIV inokwanisa kuderedzwa zvakasimba kuburikidza nenzira iyi.

Izvi zvinotevera budiriro yavepo yenhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pachirongwa chakaitirwa pamasaisai nevatori venhau vemuno nevekunze chiri pamusoro peongororo yenhomba yekurwisa HIV (Media Science Café on Imbokodo Trail Headlines), Dr Portia Hunidzarira vanova principal reseacher kuchikamu cheClinical Health Science – Clinical Trails Reserach Centre kuUniversity of Zimbabwe, vanoti vachiri kuita tsvakurudzo kuti vaone huwandu hwevanhu vakabatsirikana nemajekiseni ekudzivirira HIV munguva yeongororo.

Izvi, vanodaro, zviri kuitirwa kuti vaone pavakakundikana nepanofanira kugadziriswa kuti vazokwanisa kubura majekiseni ekudzivirira HIV ane simba.

“Ongororo yemajekiseni ekudzivirira zvirwere chinhu chinotora makore mazhinji kuti chizobudirira. Semuenzaniso, kana tikatarisa majekiseni ekudzivirira chirwere chegwirikwiti, zvakatora makore 46 azere kuti majekiseni iwayo ange achivapo, zvikatora zvekare makore gumi nemaviri kuti tinge tichibura majekiseni echirwere chedzihwa (influenza), 35 panhomba dzeYellow Fever, 47 pachirwere chemhetamakumbo kuchizoti makore 96 pachimwe chirwere chedzihwa (Infuenza B) nezvimwe. Saka ongororo yemajekiseni ekudzivirira HIV inogona kutora nguva yakati kuti nekudaro hatifanire kurasa tariro,” vanodaro.

Dr Hunidzarira vanoenderera mberi vachiti, “Muongororo yakaitwa, majekiseni aya (Imbokodo HIV Vaccine) anga achibaiwa kuvanhu vasina hutachiona hweHIV kuti pazoonekwa kuti vanodziviririka zvakadii kubva kuHIV. Tichine tarisiro yekuti hakuna ati atapurirwa HIV uye hapana vakarwara munguva yeongororo,” vanodaro.

Dr William Kilembe, vanova Site Principal Investigator kuCentre for Family Health Research kunyika Zambia, vanoti majekiseni ekudzivirira zvirwere akakosha zvikuru sezviri kuonekwa panhomba yekudzivirira Covid-19.

“Majekiseni aya haana bedzi kuzadzikisa zvinangwa zvaitarisirwa mukudzivirira vanhu kubva kuutachiona hweHIV saka pakazova nehurongwa hwekuti chirongwa ichi chimbomiswa apo chakanga chava pandanho repiri reongororo,” vanodaro.

Vanoti kune imwe ongororo yerudzi urwu iri kuitirwawo kuAmerica nekuEurope inodaidzwa kuti Mosaic Trail asi vachishandisa majekiseni mamwe chete iwaya kuzvikwata zvevanhu vakasiyana.

“Kana ongororo idzi dzikabudirira, zvichabatsira mukuderedza kunyuka kwehutachiona hutsva hweHIV pasi rose,” vanodaro.

MuZimbabwe, madzimai 331 ndivo vakapinda muongororo yeImbokodo HIV Vaccine Trail.

Hakasi kekutanga vanhu vachibaiwa nhomba dzekudzivirira zvirwere zvakasiyana sezvo pari zvino vanhu pasi rose vari mushishi kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links