Nhomba yekudzivirira HIV yoparurwa

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Catherine Murombedzi
VANAMUZVINAFUNDO  vemuno, vachishanda nevedzidzo yepamusoro, vari mushishi yekuda kuparura chirongwa chekutanga muZimbabwe chejekiseni renhomba yekudzivirira kupararira kwehutachiona hweHIV. Apa vanamuzvinafundo vanenge vachibatawo ndima yavo mukuenderana  nepasi rose mukuedza kutsvaga nhomba ingamise kupararira kweHIV.

Dr Portia Hunidzarira, avo vanove vari kuona nezvekufamba kwakanaka kwechirongwa ichi, vanoti nhomba iyi ichave yekutanga munyika ino uye ichashandiswa muvanhu vanoda.

“Nhomba iyi iyo inotarisirwa kudzivirira kupararira kweutachiona hwe HIV munyika muno ichange ichibayiwa vanhu vasina utachiona nechekare nekuti idziviriro,” vakadaro Dr Hunidzarira.

“Vanhu vari kunwa maARV nechekare havachakwanisi kudzivirirwa kubva kuutachiona naizvozvo havabaiwi.
“Tinoda kuona kuti jekiseni iri rinokwanisa here kudzivirira vanhu vasina utachiona kuti vasabatire utachiona hutsva. Tinotarisa zvakare kushanda kwakanaka kwejekiseni iri, kusavepo kwematambudziko mazhinji angakonzerwe nejekiseni iri.”

Dr Lynda Stranix-Chibanda, chiremba wevana paUniversity of Zimbabwe anove ari kutungamirira chirongwa cheHIV Vaccine Trials Network (HVTN) vachishanda neUniversity of Zimbabwe neUniversity of California San Francisco (UZ-UCSF) Collaborative Research Programme, vanoti chirongwa ichi chiri kuwana rutsigiro rwemari kubva kune vakotsveri vakawanda avo vanosanganisira vedzidzo yesainzi.

“HVTN isangano repasi rose rinowana rubatsiro kubva kuruzhinji nemakambani anodawo kubatsira uye vanamuzvinafundo vesainzi vachishanda navo,” vakadaro Dr Stranix-Chibanda.

Vanoti itarisiro yavo kuti vanhu vapinde pachirongwa ichi mumwedzi waChikumi gore rino.

“Vanhu vachapinda pachirongwa vachange vachibatirwa basa guru iri pakiriniki yeSeke South Clinic kuChitungwiza. Nhomba iyi ine kufanana kwayakaita neimwe yakashandiswa kunyika yeThailand inonzi RV144 iyo yakapa budiriro iri pakati nepakati kudzivirira kutapukira kweutachiona hutsva hweHIV mune vechidiki vachangotanga kuziva bonde,” vakadaro Dr Stranix- Chibanda.

Chiremba ava vanoti vanoona nezveutsanzi vakasimudzira jekiseni riya rakashandiswa kuThailand vava kuwedzera ukasha nesimba rekudzivirira kamhando keutachiona hweHIV kanowanikwa mudunhu reSouthern Africa kanonzi Clade CHIV.

Vanoti HVTN107 vaccine iyo ichatanga kuedza kushandiswa muZimbabwe ndiyozve inozoshandiswa mudunhu rese reSouthern Africa.

RV144 yekuThailand yakashandiswa kwemwedzi mitanhatu asi HVTN107 ichaparurwa munyika ino ichashandiswa mukudzidza uku kwemwedzi gumi nemiviri.

KuThailand, vanhu vakapinda pachirongwa ichi vanosvika 16 000 uye zvakaonekwa kuti jekiseni renhomba iyi raive nebudiriro yechikamu che60% pakati pegore uye nekufamba kwenguva mukati memakore matatu raidzikira kusvika pa30%.

Dr Stranix-Chibanda,  avo vashanda nemadzimai akazvitakura kwemakore akawanda, vanoti  vanoshuvira kuona musi uyo kuchange kusisina utachiona hutsva hunotapurirwa.

“Vanhu vachiri kutapurira utachiona hutsva hweHIV huri pamusoro naizvozvo tinoda kuona kudzika kana kupera kwahwo,” vakadaro.

“Tine nhomba yemhezi, polio uye kukave nenhomba yeHIV tinenge tava pane chimwe chikamu munhau yeutano. Nekuda kwehunhu nemamwe magariro, dzimwe nzira dzekudzivirira kutapurira uachiona hweHIV dzinoda kusimbiswa nekubayiwa kwenhomba.”

Zvakadaro, kunyangwe tatarisana nekubaiwa kwenhomba inodzivirira utachiona hutsva hweHIV, ndinoona kumira nemudiwa mumwe chete kuchiramba kuri iko dombo rakamisa imba.

 Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>