Nhoroondo yaMambo Chihota

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Nhoroondo yaMambo Chihota Mambo Chihota — Mifananidzo naBelieve Nyakudjara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZIMAMBO vane basa guru ravanobata mukurarama kwevanhu muZimbabwe. Ndivo vanonzi vene kana kuti vachengetedzi vetsika nemagariro, uye vachishanda nemasadunhu nemasabhuku avo, vanoona kuti tsika idzi dzachengetedzwa — nemazvo.

Ndokusaka matare emadzimambo, pasi pebumbiro remutemo wenyika, achiremekedzwa sematare anokodzera kutonga mhosva nekupa zvirango zvakakodzera.

Kutanga svondo rino, bepanhau revanhu — Kwayedza — richange rava kukupai nhoroondo yakadzama yemadzimambo kana kuti madzishe emuZimbabwe. Mitupo yavo, zvidawo, kwavakabva nako, zvavanoyeresa uye kwavanotonga vari zvimwe zvichabvujunurwa nechinangwa chekuti veruzhinji vawane ruzivo rwakadzama.

Naizvozvo tichakumbira madzimambo kana veruzhinji vangada kubuda pachinyorwa chino kuti vasununguke kutibata panhare dzinoti +263 714 200 007 kana +263 772 107 421 kana +263 719 107 421.

Tichatanga nekudonongodza humambo hwekwaChihota-Chivazve, kuMarondera mudunhu reMashonaland East.

Humambo hwekwaChihota ndehwevanhu vechidawo nemutupo weSamaita Tembo Mazvimbakupa.

Mazvimbakupa — vanhu vanopa, vane rudo uye sevavhimi, vaipa nyama, matehwe nenyanga dzenzou kune wavafarira.

Vanoyera mhuka yembizi vanaManjenjenje ganda revasikana, vane nhoroondo inobvira kuna Mambo Chikanga-Mutasa kuManicaland kudzimara vazonogara kwaChihota.

Mambo Chihota, VaRaphael Ngoni Chigodora, ndivo pari zvino vakafanobata chigaro sasarapavana wamambo vari wechi17 pahumambo.

Vanoti hwaro hwehumambo hwavo hwakatangira kwaMutasa, kuManicaland.

“Hushe hwekwaChihota hwakatangira kunaMambo Chikanga-Mutasa kuma1663. Madzitateguru edu vaiva vavhimi, vakuru vaifamba vachiuraya nzou nedzimwe mhuka.

“Pavaifamba vaidya hota, inova mhando yetsenza nenyama kudzimara tasvika kwaChihota. Apa ndipo pakazobva zita rekuti Chihota, taitungamirirwa naChivazve tateguru wedu. Ndokusaka nanhasi muchinzwa kuti hushe hwedu hunonzi Chihota-Chivazve Chieftainship,” vanodaro.

Vanoti mambo wekutanga pahushe hwekwaChihota ndiChivazve uyo aiva mwanakomana wechishanu waMambo Chikanga-Mutasa mumba maamai vake ari wechitatu.

Mudzimai wekutanga waMambo Chikanga-Mutasa anonzi akazobereka mwanasikana akatumidzwa zita rekuti Nyemba aiva hanzvadzi yaChivazve.

Nekudaro nhasi vanasikana vekwaChihota vanodaidzwa vachinzi VaNyemba.

Mambo Chihota vanoti vedzinza ravo pavakabva kuManicaland vaitungamirirwa naiye Chivazve kunosvika kwaChihota uko vakasvikopihwa hushe naMambo Nyandoro.

“Sezvo madzimambo airoora madzimai akawanda, kune mamwe madzimai aMambo Chikanga-Mutasa kwakaberekwa vakomana vaisanganisira Mutumba, Bushu naKandeya. Vanakomana vose vaMambo Chikanga-Mutasa vaidarika gumi asi vaine hanzvadzi ina chete,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanakomana vaMambo Chikanga-Mutasa vanonzi vaiva mhare pahondo nekuvhima, nekudaro mambo uyu aidyidzana nemaPutukezi (Portuguese) vachichinjana zvinhu zvakasiyana kusanganisira nyanga dzenzou nematehwe ivo vachipihwa chuma, mbatya, ndarira nezvimwe zvaivakoshera.

Vaivhima vachinosvika kunzvimbo dzakaita sekuMhondoro, Hwedza, Marondera, kwaSeke nekuGoromonzi.

Vanoti apo Mambo Chikanga-Mutasa vakanga vachembera, mudzimai wavo akazofa zvisinganzwisisike.

Mwanasikana wamambo uyu, Nyemba, ndiye anonzi akazorota hope dzaityisa idzo asina kutaura ndokushevedza hanzvadzi dzake dzaisanganisira Chivazve, Mutumba, Bushu naKandeya vakanoita musangano muchivande achivapa mazano ekuti vatsvage kumwe kwekunogara kwakasununguka vachiita basa ravo rekuvhima.

“Chivazve panguva iyi ndiye aiva atarisana nekugadzwa humambo hwaChikanga-Mutasa apo vamwe vanakomana vana vakoma vake vaisakwanisa kuramba vakamuyeva achitora hushe uhwu. Zvadaro, VaNyemba nehanzvadzi dzavo vakabva kuManicaland ndokunogara munzvimbo yaMambo Gunguwo, kwaChihota, avo vanoyera mutupo weSinyoro naMambo Nyandoro vemutupo weUnendoro Nyamasvisva.”

Mambo Chihota vanoenderera mberi vachiti panguva iyi, vanaNyandoro vaizivikanwa nekupfura simbi vachigadzira huze hwemadzimambo namambokadzi.

VaNyemba apo vaigara nehanzvadzi dzavo kunzvimbo itsva iyi, vanonzi vakazobatwa chibharo naMambo Gunguwo apo hadzvadzi dzavo dzainge dzaenda kunovhima dzavasiya voga pamusha.

Nyaya iyi inonzi yakazokonzera VaNyemba kuti vazviuraye nekuzvisungirira.

“Ndosaka muchinzwa vanasikana vekwaChihota vachitendwa nekudetembwa vachinzi VaNyemba Muroro Mukadzi waGunguwo, ndipo pazvakabva,” vanodaro.

VaNyemba vanonzi semunhu akanga asina kumbobvira akasangana nemurume, vakashushika zvikuru ndokunozvisungirira pamuti wemuwuyu munguva pfupi vabva mukubatwa chibharo.

“Pakadzoka hanzvadzi dzaVaNyemba kubva kunovhima idzo dzaiti Chivazve, Mutumba, Bushu naKandeya, vachisvikonzwa nezvekufa kwehanzvadzi yavo nenzira iyi, vakazoronga chikwata chemauto nechinangwa chekurwisa Mambo Gunguwo.

“Mambo Gunguwo paakazonzwa nezvekuti aitsvagwa achida kuuraiwa nemauto ehanzvadzi dzaVaNyemba, akabva atiza nemhuri yake yose pamwe chete nezvipfuyo mudunhu iri ndokuenda kuChikomba achisiya dunhu rake risina mambo. Kwaakaenda akanosandura akanosandura zita ava kuzviti Chitsunge uye ariko nanhasi,” vanodaro Mambo Chihota.

Zvinonzi Mambo Nyandoro vakatsamwiswa zvikuru nezvakaitwa vaHota zvekubatirwa hanzvadzi yavo.

“Chivazve ndiye akabva atanga kuita Mambo Chihota wekutanga, apo Mambo Nyandoro vakapa mwanasikana wavo mudiki ainzi Nondo kuna Chivazve kuti aite mudzimai wake wekutanga,” vanotsanangudza Mambo Chihota.

Nondo anonzi akatora nguva yakareba asati abata pamuviri zvikaita kuti Mambo Nyandoro vape zvakare Chivazve mumwe mwanasikana wavo ainzi Baya kuti aite mudzimai wake wechipiri.

“Madzimai maviri aya anonzi akazoita pamuviri nguva imwe chete, Nondo ndokubara mwanakomana ainzi Chakabvapasi, Baya ndokuberekawo mwana akanzi Tunha.

“Vanakomana ava vakakura vose ndokuroora, vana vaChakabvapasi vaiva Bomero naChirenje, kuchiti Tunha akaberekawo vake – Bindu naMudzudzu.”

Vana vaChivazve vanonzi vakakura vakaroora baba vavo vachiri vapenyu.

Nekufamba kwenguva, zvinonzi apo Chivazve akanga achembera, Tunha akatanga kunzwa shanje ava kuda kuita mambo wechipiri wekwaChihota, kutangira mukoma wake Chakabvapasi.

“Tunha akabva auraya Chakabvapasi zvikaita kuti Bomero naChirenje vatize nemadzimai nemhuri dzavo. Chivazve akazosara achifa mushure memakore mashanu, apo Bomero naChirenje vakauya kuzochema sekuru wavo,” vanodaro Mambo Chihota.

Tunha akazove Mambo Chihota wechipiri, wechitatu akava Bindu uyo akatonga kwemakore gumi achibva apondwa naMudzudzu zvikaita kuti azova mambo wechina uye akatonga kwemakore gumi nemashanu.

“Mudzudzu akazopondwawo nevanakomana vaBindu. Chishambwe aiva mwanakomana waMudzudzu ndiye akazoita Mambo Chihota wechishanu apo Zimheni akazova mambo wechitanhatu.

“Nyaya dzekupondana dzakaramba dziripo apo Zimheni akazopondwa naChikudza uyo akazova Mambo Chihota vechinomwe. Manjanga akazova mambo wechisere apo baba vake vakanga vashaika.”

Mambo Chihota vanoenderera mberi: “Apo Manjanga akafa, mwanasikana wake akaramba kuti hushe huende kuvarume, ndokuita iye sarapavana uye akazogadza mwanakomana wake – Chipitiri – kuti ave sarapavana waMambo Chihota ari wechipfumbamwe. Uyu aiva muzukuru mwana wemukuwasha uye ari n’anga yaityiwa.”

Chipitiri anonzi akazopondwa nemhuri yaMudzudzu apo Nzvere wemba yaBindu akazoita mambo wechigumi apo vachena vakauya panguva yaaitonga. Pasipamire Mutenda ndiye akaita Mambo Chihota wechi11 Savanhu akaita wechi12.

Mambo Chihota vanoti madzishe ose kubva pane wechinonwe kusvika wechi12 vaibva muimba yaBindu. Akava mambo wechi13 ndiZibwowa anova mwanakomana waRupere mugore ra1926 uye akatonga kusvika mugore ra1943 apo akazoshaika, mwanakomana wake Jacob akaitwa sarapavana kwegore.

“Chakanetsa mwanakomana waPasipamire ndiye akazoita Mambo Chihota wechi14 uyo akatonga kusvika mugore ra1955. Kubva mumwedzi waChikunguru mugore ra1955 kusvika 1998, Mutero-Zengeya ndiye akava mambo wechi15 ndokuzofa apo mwanakomana wake George akazoita sarapavana kusvika azofawo mugore ra2005,” vanodaro.

Zvakatora nguva yakareba kubva mugore ra1998 kusvika 2007 kuti kusarudzwe mumwe mambo kuburikidza nemakakatanwa edzinza remhuri yekwaChihota.

“Mumwedzi waZvita 2007, kwakazogadzwa VaFredreck Chigodora kuva Mambo Chihota vechi16 vari vemumba yaChakabvapasi avo vakazoshaika mugore ra2013. Inini mwanakomana wavo, Raphael Ngoni Chigodora, ndakazoitwa sarapavana.

“Zvichakadai, gwara rekutsvaga mumwe Mambo Chihota riri kufambira mberi apo ini ndiri mambo akafanobata matomhu wechi17,” vanodaro mambo.

Vanoti vanotevedza chivanhu chose chinodiwa kusanganisira kuenda vachinoteura kurwizi rwaNyamungori uko kunogadzwa humambo hwekwaChihota.

“Kare, humambo hwedu taishandisa mashingishingi kuti munhu abvume mhosva yaainge achiramba. Ini ndinoshanda nemasabhuku angu zvakanaka vose vari 115 uye ndinovaterera ivo vachindinzwawo,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanotizve munhu ainge apara mhosva aisungwa mbira dzakondo ogariswa pane masvosve emashingishingi kana kuti mhamhatsi ayo aimuruma kusvikira abvuma mhosva yake.

Mukurumbira wekunzi vanhu vekwaChihota vanoponda unogona kunge wakabva munyaya dzekupondana kwemadzimambo idzi, sekutaura kwaMambo Chihota.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey