Uncategorized

Nhoroondo yenyika iri kuenda takatarisa!

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Nhoroondo yenyika iri kuenda takatarisa!

Kwayedza

shamuyarira
Kuziva Mbuya Huudzwa

MUSI weMugovera, 7 June takaradzika zvakare rimwe gamba, Cde Nathan Shamuyarira, paNational Heroes Acre muguta reHarare. Rumwe, rumwe vanhu vari kuenda veduwe-e, uyewo havasi kuenda kunodzokwa. Inguva isingafadzi, asiwo yatisingagoni kuramba. Pandinoramba ndichibvunza ndepokuti ivava vanhu vakarwira rusununguko nokusunungura kwakaitwa nyika kwacho zvinhu zvine nhoroondo yokuti nhasi uno ndikada kuita tsvagurudzo nokunyorawo zvinyorwa zvangu kana kuburitsa mabhaisikopo chaiwo, hazvinetsi kuwana zvinyorwa, mifananidzo kana nhaurwa dzacho here?

Sei mupfungwa mangu ndichinzwa kuti kubvira vanhu vari kuhondo kusvika nhasi uno nyika yave namakore 34 okuzvitonga kuzere tichiri kure zvikuru pakutaura rungano rweZimbabwe, zvisinei nohuwandu hwavanhu vakamedza mabhii?

Kana uri munhu anogara achiita zvetsvagurudzo yeZimbabwe, chinorwadza ndechokuti zvinyorwa zvizhinji zvaunosangana nazvo zvakanyorwa navachena venyika dzokumadokero, nyika dzakange dzakapamba Zimbabwe, uyewo nyika dzakaisa Zimbabwe parumananzombe rwezvirango zvoupfumi. Pamusana pei pasina chido mukati meavo vane ruzivo kuti vagare pasi kunyora nhoroondo yenyika? Kushaya hanya here kana kuti inungo kana kutiwo vanhu vanongoona sezvinhu zvisina basa?

Ko ivo vakarwira rusununguko vacho seiwo pasina pfungwa yakadzama yokuti vataure mifungo yavo kubudikidza nezvinyorwa?
Hongu tagara tichinzi kana ukada kuvanzira munhu mutema chinhu, chiise mubhuku, nokuti haana shungu dzokuverenga. Ipapa pane vanotaura manyepo akadai ndipo panosungirwa kuti vanhu vabude pachena kuti vanokwanisa zvese kunyora nokuverenga, kana magwaro apamusoro-soro.

Kunyora chipo, uye varipowo vanogona kurongedza pfungwa dzavamwe zvakanaka. Ivava zvakare vari kushaikwa here? Inyaya yemari here sezvo kutsikisa mabhuku kana kuita mabhaisikopo zvichidaidza mari?

Hurumende, musangano wakarwira rusununguko, maunivhesiti namakoreji ndipo paanofanirwa kupindiraka ipapa.
Ruzivo nounyanzvi vanazvo, mari yokuita tsvakurudzo yotsvagwa.

Mibvunzo iri kuramba ichinaya nokuti zvavari kungoenda rumwe rumwe pachisara pasina nhoroondo dzakanyorwa pasi, ramangwana rinogona kuzonetsa vanhu vave kuti “pamwe”, uyewo ndipo panozonyuka vaya vanonyora nhoroondo dzavanofunga kuti ndedzeZimbabwe (“revisionist history”), kusanganisira manyepo. Kana pasina chokwadi chinenge chinobatika, chakatsikiswa, vanhu vanozongotora izvozvo zvinenge zviripo sechokwadi.

Takazviona masvondo achangopfuura. Pamusana pokuti nhoroondo yaMbuya Nehanda zhinji yacho yakanyorwa navachena, kune vamwe vanhu vakatenge vagamuchira Mbuya Nehanda vakaitwa mumutambo wakatambwa pagungano reHIFA.

Dai pasina vakakurumidza kuona vakati zvauya sei, dai manyepo iwayo akatove chokwadi. Asika pachiRungu vanoti, “The first cut is the deepest”.

Ngapave nomukaha wakakura pakati penhoroondo dzainyorwa navapambepfumi nedzave kunyorwa navanhu vakasununguka. Varwi vorusununguko, vanhu vane shungu dzokunzwa mazwi enyu muchitaura zvakadzama. Kana iyemi pachenyu, rwendo rwamakafamba hamuna muonero mumwe chete nokuti makaenda nguva dzakasiyana, muri mazera akasiyana uyewo muine kunzwisisa kwakasiyana, kunyange zvazvo gwara ramakange makananga raiva rimwe chete.

Zvose izvi vanhu vanoda kuzvinzwa kuti nhoroondo yenyika ivepo, mumabhuku.
Zvinonyanya kurwadza ndezvokuti nhoroondo yenyika iri kuenda naivo vanhu vakatakura mutoro wokurwira nyika yacho. Saka toringepi?

Share This:

Sponsored Links