njere dzakapinzisisa!

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
njere dzakapinzisisa!

Kwayedza

Mwana (6) ava Grade 4 Form 6 achaita ne15 yrs

Muchaneta Chimuka

NEKUDA kwenjere dzake idzo dzakapinzisisa, kamwana kemuHarare kane makore matanhatu ekuberekwa katova kuita Grade 4 mushure mekunge kadarikiswa mamwe magwaro.

Gore rapera, mwana chikwapuro paruzivo uyu adarikiswa Grade 1 achiiswa muGrade 3 asi ari kungoita zvinorova zvekuti pari zvino ava muGrade 4 zvisinei nezera rake.

Tinotenda Manyemba ari kudzidza paWidcombe Primary School, kuHatifield.

Aine makore matanhatu ekuberekwa bedzi mupwere Tinotenda ava kutokwikwidzana nevana vane makore gumi okuberekwa zvichitevera kujambiswa kwaakaitwa mamwe magwaro gore rapera apo akanga aine makore mashanu ekuzvarwa.

Zvinoreva kuti Tinotenda anopedza Grade 7 aine makore 9, otanga Form 1 nemakore gumi. Anotarisirwa kupedza Form 4 aine makore 13, oita Form 6 ava nemakore 15 ekuzvarwa.

Kana akaramba “achirova” chikoro saizvozvi, mwana uyu achapedza dhigirii remakore matatu ava nemakore 18, kana riri remakore mashanu acharipedza ava nemakore 21 bedzi ekuberekwa.

Mai Precious Nhema nevana vavo

Ongororo yakaitwa nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari inodaidzwa kuti Intelligence Quotient (IQ test) yakaona kuti njere dzaTinotenda dzakapinza kudarika vamwe vana vezera rake.

Pamibvunzo yaakapihwa nevaongorori avo vari kuchikamu chePsychology and Social Needs kwemaawa mashanu, Tinotenda akaita chikamu che96/200 zvisinei nekuti akatangira dzidzo yake yeECD-A neB kumaruwa pachikoro cheMasarabuda Primary School chiri kuMudzi.

Paongororo iyi, kumasvomhu akaonekwa aine njere dzemunhu ari Grade

3, zviperengo ane njere dzeGrade 3 uye kuverenga nekunyora aine njere dzemunhu ari muGrade 4.

Zvichitevera ongororo iyi, bazi rezvedzidzo rakaona zvakakodzera kuti Tinotenda aende muGrade 3 zvisinei nekuti baba vake vakazomuendesa muGrade 2 nekutyira kamhumhu kake. Mwana uyu akangodzidza Grade 2 kwetemu imwe chete ndokubva aendeswa muGrade 3 nekuda kwenjere dzake dzakanyanya kupinza.

Baba vake, VaMoses Manyemba, vanoti ichi chipo chikuru chenjere chiri mumwana wavo.

VaMoses Manyemba

“Tinotenda mwana ane makore matanhatu ekuberekwa uye anofarira kutamba nhabvu nepada, asi anozvipa nguva yekuverenga mabhuku.

“Isu sevabereki vake, takakurumidza kuona chipo chenjere chiri maari paakanga aine makore maviri nechidimbu. Ndiko kusaka takanyora tsamba kubazi rinoona nezvekuvhenekwa kwenjere dzevana kuti vamuongorore vakaona aine njere dzakapinzisisa kudarika zera rake. Ndicho chikonzero chakaita kuti anzi adarikiswe Grade 1 achienda muGrade 3,” vanodaro.

VaManyemba vanoti pari zvino Tinotenda ari kugona zvidzidzo zveGrade 4 zvikuru uye vanokurudzira vamwe vabereki kuti vacherechedze zvipo zviri muvana vavo nekuzvitsigira.

VaManyemba vanokurudzira zvakare zvikoro zvinofundisa varairidzi kuti zvive nemupanda unodzidzisa maticha avo vanozopakura ruzivo kuvana vane njere dzakarodzwa (high IQ pupils) saTinotenda.

“Munyika dzakadai seBritain neAmerica, kune inonzi MENSA chinova chikwata chevanhu vane njere dzakarodza asi muZimbabwe hatina. Ndinoona paine mukaha mukuru munyika muno nekuti tinogona kudaro tiine vana vakawanda vane njere dzakarodzeka zvakanyanya asi vabereki vasingazive kuti vanokwanisa kunoongororwa kupi uye sei zvisinei nekuti tine bazi rakada muchikamu chedzidzo.

“Munguva zhinji, vabereki vanoendesa vana vaye vane dambudziko renjere kuti vanoongororwa senzira yekuti vange vachiendeswa kumaSpecial Class bedzi,” vanodaro.

Kwayedza yakaitawo hurukuro naTinotenda uyo anoti ari kufarira zvidzidzo zvake zvikuru.

“Kuchikoro kunonakidza zvikuru uye ndinofarira zvidzidzo zvekurima nemakombiyuta. Ndine mabhuku angu eNew Curriculum ane mibvunzo, saka ndinobatsirwa naamai vangu pandinobva kuchikoro.

“Ndakatengerwa iPad nababa iyo yandinoshandisa muzvidzidzo zvangu. Handitye kufunda pamwe chete nevanhu vakakura kundidarika,” anodaro achiseka zvake.

Amai vake, Precious Nhemba, vanoti mwana wavo anoita zvinhu zvake nechimbi-chimbi uye vanomubatsira mukuverenga. “Tinotenda anoda kutamba nevamwe nekuti achiri mudiki, haasati ava kuziva kuchengetedza nguva yekuverenga asi zvose zvaanoita anoita nekukasika.

“Ndinoshinga kutenga mabhuku ose anodiwa mudzidzo yake kuti arambe ari padanho repamberi. Kune vamwe vabereki ndinoti zvisinei nekuti munobva kumabasa makaneta, shingai kutsigira vana venyu mudzidzo kuti vagobudirira,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Ndakaonawo kuti nharaunda haisati yava kutambira kuti kune vana vanogona zviri pachena nekuti dzimwe nguva ndiri mukombi ndinonzwa vanhu vachitotaura kuti kamwana kaye kekubuda mumapepa nekugona vabereki vacho vane zvikwambo, vakaromba nekuti hakusi kugona bedzi. Mafungiro akadai handiwo, zvakaipa.”

Zvichakadai, hanzvadzi yaTinotenda — Mwazvita (4) — uyo ari kuenda kukireshi, anonzi ari kutevedza tsoka dzehanzvadzikomana yake dzekugona izvo zviri kuita kuti vabereki vake varonge kuti atange Grade 1 gore rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>