Njodzi yeCovid ichirimo muZim

21 Oct, 2020 - 14:10 0 Views
Njodzi yeCovid  ichirimo muZim Prof Murwira

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

ZVIKAMU zvakakosha zveupfumi hwenyika pamwe chete nezvikoro zvakakwanisa kuvhurwa zvakare nekuda kwekuti vanhu vemuZimbabwe vari kuziva njodzi iripo panyaya yekutapurirwa chirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa nechinangwa chekumisa kupararira kwedenda iri.

Mashoko aya ari kubva kumakurukota eHurumende nenyanzvi dzezveutano panguva iyo chikamu che95 percent chevarwere vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe vapona nekuda kwekusimbaradzwa kwematanho ekurwisa chirwere ichi.

Zvisinei, Hurumende nenyanzvi dzezveutano vanosimbisisa kuti hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 huchirimo munyika, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitora matanho ekuzvidzivirira.

Panyaya yekuvhurwa kwezvikamu zveupfumi hwenyika nezvikoro panguva iyo chirwere ichi chichiriko, Hurumende inoti danho iri rakatorwa mushure mekuonekwa kuti veruzhinji vave neruzivo rwakadzama pamusoro peCovid-19.

Dr Manangazira

Mutevedzeri wasachigaro weAd-Hoc Inter-Ministerial Taskforce on Covid-19, Professor Amon Murwira – avo vanovazve gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina – vanoti kuvhurwa kwezvikamu zveupfumi handi chiratidzo chekuti chirwere ichi hachisisimo muZimbabwe.

“Apo tiri kuvhura zvakare zvikamu zvakasiyana, maonero edu ndeekuti vanhu vakadzidziswa zvizere pamusoro penjodzi yeCovid-19, nekudaro tine tarisiro yekuti munhu wose ari kuzvichengetedza,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya iripo ndeye kusaita chitsokotsoko, kuzora sanitiser mumaoko, kupfeka mamasiki nekuongororwa kudziya kwemuviri. Chikamu che98 percent chevanhu vari muZimbabwe chine ruzivo pamusoro peCovid-19 sezvinorehwa nebazi rezvekukushwa kwemashoko.

“Tikatarisa izvi, tine idi rekuti tinokwanisa kuzvichengetedza. Asi nyaya iripo ndeyekuti hatifanire kuvarairwa. Saka kuvhura hakureve kuti coronavirus hakuchina, zvinoreva kuti tinotenda kuti tave kukwanisa kunzwisisa zvinoitwa necoronavirus uye nenzira dzekuzvidzivirira.”

Prof Murwira vanoti imwe nyaya yakakosha zvikuru kuona kuti Zimbabwe yabudirira mukurwisa Covid-19 asi hazvireve kuti nekuda kwebudiriro iyi, vanhu vachishaya hanya nekuzvichengetedza.

Mashoko avo anotsinhirwa naDr Portia Manangazira, vanova director wechikamu chinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere (Epidemiology and Disease Control) mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vachiti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ekurwisa denda rabata vanhu vanodarika 40 miriyoni pasi rose iri.

“Chirongwa chekuti vanhu vasafambe-fambe chakanyevenutswa uye mabhazi ave kutenderwa kufamba pakati pemaguta. Asi hatifanire kungofamba zvisina tsarukano. Kunyevenutswa kwematanho aya chinangwa ndechekuti zvikamu zvakakosha zveupfumi zvichitanga kushanda zvakare asi njodzi yechirwere ichi ichiripo kana pasati pave nemushonga wekuchirapa kana kuchidzivirira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey