Uncategorized

Njuzu chinombori chii?

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANHU vakawanda vanongonzwa zita rekuti njuzu asi havanyatsoziva kuti chinombova chii. Njuzu inotsanangudzwa nepakasiyana-siyana uye ine nhoroondo dzakawanda, ichizivikanwa sechikara chine kumusoro kunenge munhu nekuzasi kunenge kwezihove guru. Inonzi inogara zvikuru mumadziva anonzi anoyera, asingapwe mvura.

Vanotaura vanoti njuzu inozivikanwa nekutora vanhu zvine maminimini mukati. Anotorwa nenjuzu anonzi anogona kuuraiwa mudziva, kana kuti anokwanisa kubuda mudziva ari mupenyu, asi ava neshavi rakaita serekurapa kana kushopera. Nazvinoita zvakataurwa nevanoti vanoziva nezvenjuzu:

VaPatrick Kapfunde (48) vekuMt Darwin, avo vanonyanyozivikanwa saSekuru Bhaureni mumabasa avo ehun’anga, vanoti njuzu imhuka kana kuti “munhu” anogara mumvura.“Njuzu kana tichiitarisa munhu zvisinei kuti ine besu rinenge rehove. Kune njuzu yechirume neye chikadzi uye kazhinji zvinofambirana nemweya yekurapa. Kune vane mashavi enjuzu vanopihwa mishonga nadzo nekusimbiswa mumabasa avo ehun’anga kana ehuporofita,” vakadaro Sekuru Bhaureni.

Panzvimbo dzinowanikwa njuzu kunzizi panonzi panogona kuonekwa zvinhu zvisinganzwisisike sekuona pakayanikwa machira matsvuku nemachena, dzimwe nguva pachinzwikwa mazwi evanhu vachitaura kana kudzvurwa, kukuma kwemombe nekuchema kwemhuka asi pasina chinenge chichionekwa. Vamwe vanoti madziva ane njuzu anogona kungoita mhute uye anenge aine mapako mumvura.

Sekuru Benson Musuweje (64), avo vanoita zvehun’anga kuMufakose, muHarare, vanoti njuzu munhu akangofanana nevamwe vanhu uye musiyano uripo bedzi ndewekuti inenge iine besu.

“Njuzu dzinotaura nechirudzi chadzo sekusiyana kwakaita mitauro yedu. Munhu akatorwa nenjuzu mukarega kuchema anodzoka ava nemishonga yakasimba zvikuru yekurapa. Kana kumapositori vanawo mashavi enjuzu,” vakadaro. Vanoti munhu akatorwa nenjuzu anogona kugaramo mumvura murwizi kwemakore akawanda achidya zvinhu zvinosanganisa nhunzi nemagakanje.

Sekuru Musuweje vanoti njuzu vanhu vakafa vanosanduka vozodzoka vave nemapesu.
“Vamwe vanhu vakafa vanomuka vave nyoka, mhuka, nezvimwewo zvakasiyana,” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naSekuru Thomas Mukunguta, vekuChitungwiza, avo vakati njuzu munhu asi ine masimba akadarika evanhu.

Share This:

Sponsored Links