Kwayedza

NJUZU KUONEKWA MU’TOWN’?

Ray Bande ari kwaMUTARE
MAROKWE akaonekwa akaturikwa patambo dzemagetsi mumugwagwa Herbert Chitepo Main Street, kwaMutare, nemusi weChishanu svondo rapera akonzera kutaura uko kwapararira semoto wesango vamwe vanhu vachiti madhirezi aya akayanikwa apa nenjuzu iyo yakazobatwa ikaendeswa kukamba yemapurisa.

Veruzhinji vagara vachiziva kana kunzwa kuti njuzu inowanzoyanika machira padziva rainenge iri – rungwanani kana kuti zuva rovira.

(Nzwai zvizere panyaya iyi muKwayedza svondo rino. Mutengo weKwayedza i0.50c chete chete!)