Uncategorized

njuzu pakati pe‘town’?

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
njuzu pakati pe‘town’?

Kwayedza

‘Yakayanika marokwe’… ‘Ikatorwa nemapurisa’

Ray Bande  ari kwaMUTARE
MAROKWE akaonekwa akaturikwa patambo dzemagetsi mumugwagwa Herbert Chitepo Main Street, kwaMutare, nemusi weChishanu svondo rapera akonzera kutaura uko kwapararira semoto wesango vamwe vanhu vachiti madhirezi aya akayanikwa apa nenjuzu iyo yakazobatwa ikaendeswa kukamba yemapurisa.

Veruzhinji vagara vachiziva kana kunzwa kuti njuzu inowanzoyanika machira padziva rainenge iri — rungwanani kana kuti zuva rovira.

Nyaya iyi yafamba muno nekune dzimwe nyika padandemutande — kunyanya paWhatsApp —vanhu vachiti kwaMutare kune njuzu yakafumoyanika mbatya dzechikadzi bedzi patambo dzemagetsi pakati peguta, asi iyo ikazobatwa.

Chokwadiwo, marokwe akange akati yacha yacha kuyanikwa patambo dzemagetsi asi ainge aiswa nerimwe sangano kuyeuchidza veruzhinji matambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhukadzi mukushungurudzwa kwavanoitwa mudzimba, kumabasa nemunharaunda dzavagere.

Asi kuturikwa kwemarokwe aya kwakonzera mitauro — kunyanya pasocial media — kusvikira pakunzi mbatya idzi dzakayanikwa apa nenjuzu runyanhiriri rwemusi weChishanu chadarika.

Mufananidzo wemarokwe akayanikwa patambo dzemagetsi watenderera muno nekunyika dziri mhiri kwemakungwa zvichinzi mbatya idzi dzakaiswa nenjuzu iyo yakazobatwa ikanovharirwa pakamba yeMutare Central Police Station.

Asi mutauriri weguta reMutare, VaSpren Mutiwi, vanoti marokwe aya akaisirwa kuyeuchidza veruzhinji matambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhukadzi.

VaMutiwi vanoti kuturikwa kwemarokwe aya patambo dzemagetsi ipfungwa yesangano reMusasa Project maringe nekucherechedzwa kwemazuva gumi nematanhatu ekurwisa tsika yekushungurudzana pakati pevanhukadzi nevanhurume (16 days against gender-based violence).

“Mutare City Council inozivisa kuti marokwe akayanikwa munaHerbert Chitepo Main Street inzira yekushambadza iri kutungamirwa neveMusasa Project pakucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa tsika yekushungurudzana pakati pevanhukadzi nevarume uko kunoitwa munaZvita.

“Dingindira regore rino rinoti kusimudzira ruzivo panyaya yekushungurudzana zvepabonde mumabasa. Marokwe akaturikwa aya mucherechedzo nesimbiso yeavo vakabatwa chibharo.

“Izvi zviri kuitwawo mumaguta mashanu anosanganisira Masvingo, Gweru, Harare neBulawayo. Zvinofadza zvikuru kuti ratidziro iyi yabata vakawanda, asi zvinhu zvakangonakawo kuti vanhu vazive chokwadi pamusoro penyaya iyi,” vanodaro VaMutiwi.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasaterere kana kubatikana nezviri kutaurwa padandemutande pamusoro penyaya iyi.

“Tinozivisawo veruzhinji kuti vasatevedze zviri kutaurwa musocial media zvekuti injuzu dzakaisa marokwe ayo sezvo chisiri chokwadi.”

Veruzhinji vakataura nebepanhau rino vanoratidza kushaya ruzivo rwakadzama pamusoro pekuturikwa kwemarokwe aya.

Mutengesi wemapepanhau muguta reMutare, Milliam Chabikwa, anoti veruzhinji vanodawo kujekeserwa nezvenyaya iyi.

“Handina kuzviona pazvakaiswa, ndakazongoona zvaitenderera pasocial media.

‘‘Ndakashamisika zvikuru sezvo pasina kana pane mvura pandaiziva pekuti njuzu ingawanikwa pakati peguta.

“Deno vakaisawo chinhu chinoratidza kuti marokwe aya aisirwei ndinoona sekuti vakawanda vaizokurumidza kubata pane nyaya,” anodaro Chabikwa.

Share This:

Sponsored Links