Nungo dzakaipa

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa zvidzidzo zvinobuda muna Manyambiri.

Chimwe chidzidzo chinobuda murungano urwu ndechekuti kusavimbika kwakaipa. Zvinobuda panobatwa Paida naPaido kuti vakanga vachinjana murume mumwe chete, Nduramo nechinangwa chekuti Paido asarambwe naNduramo. Izvi zvinozoisa mhuri yavo yose panjodzi mushure mekunge yave kuda kutandwa kana kuuraiwa naMambo Njeremavhu.

Ndakadzidza kuti barika rakashata.

Ndakazviona pamusha paRufuse aive nebarika remadzimai matatu. Izvi zvaiita kuti Shayamano naNyadziso vagare vachivenga hosi yaRufuse, Ndakasemwa. Kumagumo tinozoona kuti pamusha uyu panogara paine bopoto uye kurwa sepatinovaona vachirwa ndokuzorandutsirwa naiye Rufuse.

Chikuru chandakadzidza ndechekuti nungo kana kuti hunyope hwakashata. Ndihwo hunoita kuti Paida atadze kuwanikwa nemwana wemuimba youmambo nokuda kwekuti Nduramo aisafarira maitiro aPaida ehunyope ndokuzoda Paido uyo aishanda nesimba muzviito zvake zvese.

Ndakadzidzawo kuti mwoyo muti unomera paunoda. Izvi zvinoonekwa kuna Nduramo anoda Paido uyo aive akafanana zvikuru naPaida asi akaramba achingomuda pasina kudzokera shure nyangwe zvazvo vakanga vashaya mbereko kwenguva refu.

Share This:

Sponsored Links