NUST yogadzira midziyo yePCR

06 Apr, 2021 - 16:04 0 Views
NUST yogadzira  midziyo yePCR

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

NATIONAL University of Science and Technology (NUST) ine hurongwa hwekutanga kugadzira midziyo inoshandiswa kuvheneka vanhu chirwere cheCovid-19 inozivikanwa nekuti polymerase chain reaction (PCR) iyo pari zvino iri kutengwa kunze kwenyika.

Zimbabwe iri kutenga kunze midziyo iyi iyo inoratidza kuti munhu ane hutachiona hwecoronavirus hunokonzera chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.

Kuti munhu avhenekwe Covid-19 kuchipatara chakazvimirira pari zvino, anobhadhariswa US$60, izvo zvinoita kuti vakawanda vatadze kuvhenekwa nekuda kwekudhurirwa.

Nust kana ikatanga kugadzira midziyo iyi, vanhu vachange vave kubhadhariswa US$20 kuti vavhenekwe Covid-19 uye izvi zvichaita kuti Hurumende ibatsirike zvakanyanya sezvo inenge isisatenge midziyo iyi kunze.

Kunze kweCovid-19, midziyo iyi inokwanisa zvakare kushandiswa zvakasiyana kusanganisira kuvheneka HIV.

VaZephaniah Dlamini, avo vanova director kuchikamu cheApplied Genetic Testing Centre kuNUST, vanoti kuburikidza nerubatsiro kubva kubazi redzidzo yepamusoro, yunivhesiti yavo ichatenga muchina weDNA synthesizer uyo uchashandiswa kugadzira midziyo yePCR.

NUST inotarisirwa kugadzira midziyo yePCR inosvika 50 000 pasvondo rimwe uye pari zvino Zimbabwe iri kuvheneka Covid-19 kuvanhu 15 000 pavhiki.

“Laboratory yeApplied DNA Testing yakakumbirwa neHurumende kuti ibatsire mukuvhenekwa kwevanhu Covid-19 kusvika munaMbudzi gore rapera uye taiita izvi pakatanga kunyuka chirwere ichi. Panguva iyi, taivheneka vanhu vanobva kumatunhu anoti Bulawayo, Masvingo, Midlands, Matabeleland North neMatabeleland South,” vanodaro VaDlamini.

Vanoti vakakwanisa kuvheneka vanhu 40 000 chirwere cheCovid-19 uye zvavaitora pakuvheneka uku zvaizonoongororwa nekuziviswa pachipatara cheMpilo Central Hospital.

“Takavheneka vanhu vanosvika 40 000 apo taishandisa midziyo yainyanya kubva kuChina. Mushure mekunge tashandisa midziyo yakasiyana-siyana, takazoona kuti mumwe wemidziyo iyi wakagadzirwa neimwe yunivhesiti yekuChina. Takaona zvakare kuti hapana zvakawanda zvinodiwa kugadzira mudziyo uyu zvikaita kuti tifungewo kugadzira wedu,” vanodaro.

VaDlamini vanoti vakazokumbira rubatsiro kubva kubazi redzidzo yepamusoro rwekuti vakwanise kuwana DNA synthesizer iyo yakakosha mukugadzirwa kwemidziyo yePCR iyi.

“Zvisinei, takasangana nezvimhingamipinyi zvekuti tiwane DNA synthesizer asi iye zvino tiri kutaura neveProcurement Regulatory Authority of Zimbabwe (PRAZ) tichivimba kuti muchina uyu uchauya munguva pfupi iri kutevera kuitira kuti titange kuita basa munaChivabvu,” vanodaro.

Vanoti chakanakira kuti Zimbabwe igadzire yoga midziyo yemaPCR ndechekuti kana pakanyuka imwe mhando yeCovid-19, inokwanisa kuongororwa nekuvhenekwa nyore.

“Ndine chokwadi chekuti kunyangwe panyaya yekugadzira mushonga unodzivirira Covid-19 (vaccine) tinokwanisa, nekuti zvinodzidzwa navanamuzvinasainzi ava vadzidzi vedu vanozvifundawo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey