
Muchaneta Chimuka
MURUME ane makore 60 ekuberekwa, uyo aizivikanwa samuzvinabhizimusi kuChegutu uye aipomerwa kutenga mombe dzekuba, akawanikwa akafa akarembera patambo yainge yakasungirirwa mumuti papurazi rake reKilmorac Farm nomusi weMugovera mushure mekushaikwa kwemazuva mashanu.
Mushure mekushaikwa kwaAlfred Mufudzi Gamanya, vehukama vakanomhan’ara kumapurisa uye nyaya iyi yakatenderera padandemutande reSocial Media vachiedza kumuronda asi hapana chakabuda kusvika azowanikwa nomusi weMugovera wadarika mutumbi wake wave kutoora.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Assistant Inspector Effort Chapoto, vanotsinhira nyaya iyi.
“Mutumbi waAlfred Mufudzi Gamanya wakawanikwa nomusi wa8 mwedzi uno wakarembera patambo yainge yakasungirirwa pamuti mushure mekushaikwa kwake nomusi wa3 Kukadzi uno. Pazuva raakashaikwa – Gamanya akanga atambira nhare kubva kumapurisa ayo aida kumubvunza maringe nemhosva yekutenga mombe dzakabiwa,” vanodaro.
Asst Insp Chapoto vanoti mushure mekunyangarika papurazi rake nomusi wa3 Kukadzi, veukama vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Izvi zvakaita kuti paitwe tsvakurudzo asi haana kuwanikwa kusvika nomusi wa8 Kukadzi apo mutumbi wake wakazowanikwa wakarembera pamuti.
“Nomusi wa8 uri Mugovera masikati, Learnmore Mugona (32) wepaKilmorac Farm – uyo akanga ari mushishi kufudza mombe – ndiye akaona mutumbi waGamanya wakarembera mumuti akazivisa maneja wepapurazi iri anonzi Mercy Mupararwa (32) vachibva vadeedza dzimwe hama kunoita muonerapamwe,” vanodaro Asst Insp Chapoto.
Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuChegutu avo vakasvikobvisa mutumbi uyu unova wainge wava kutoora.
“Tichiri kuita ongororo maringe nefiro yemurume uyu uye tinoyambira veruzhinji kuti kana vachinge vafonerwa nemapurisa paine zvavanoda kubvunzwa, vange vachivatsigira pane kutiza. Tinokurudzira veruzhinji zvekare kuti vasiyane nekupara mhosva nekuti mugumo wacho vanozongobatwa,” vanodaro.