Nyakuzvimba dumbu aba chibage afa  

24 Nov, 2024 - 09:11 0 Views
Nyakuzvimba dumbu aba chibage afa   Knowledge Milanzi

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaSabhuku Chinamaringa kwaMambo Mashayamombe, kuMhondoro — uyo ane nyaya yakabuda mubepanhau rino svondo rapera —wekurwara zvakadarikidza nekuzvimba dumbu achidura kuti aiva aba mabhagidhi mashanu echibage cheimwe mhuri, akashaya nemusi weChina chino.

Knowledge Milanzi (42) akareurura svondo rakapera kuti iye nemudzimai wake, Vimbai Masara (33), vakaba chibage pamba pevanhu vakavakidzana nepavaishanda zvikazobuda kuti aiva agadzirwa nemushonga werukwa nemuridzi wechibage ichi.

Knowledge aitaura zvakawanda-wanda kusanganisira kuti ane mbatya dzake dzemukati dzaivawo dzarambirwa nemumwe mudzimai waakambogara naye.

Pamusoro pezvo, murume uyu aiti zvekare pane shiri yavakauraya vakadya iyo yaiva yavakira dendere rayo mumba maaigara pamusha peimwe mhuri yavakamboshandira apo vemhuri iyi vakazovapopotera vachiti vaida shiri yavo.

Knowledge akafa achitsvaga rubatsiro rwekurapwa uye vakatomboenda kune munhu waanonzi akabira chibage uyu vakanokumbira ruregerero akazopihwa mushonga wechivanhu uyo aidya nekunwa asi hazvina kubatsira.

Mai Winnet Milanzi (35) hanzvadzi yaKnowledge, vakataurwa navo panhare vakatsinhira kufa kwake.

“Ichokwadi hanzvadzi yangu yakashaika nekurwadziwa, takakanganwa kukuridzirai nhare (veKwayedza) kukuzivisai kuti Knowledge Milanzi hakusisina akafa. Akashaika nezuro (China) husiku kuma11 mumba. Izvozvi takatoungana, ticharadzika mutumbi wake nhasi (Chishanu) masikati ano nekuti nezvakaita mutumbi wake nekurwarisa uko akaita hazvikwanisike kuti tirambe takauchengeta. Tangoita dambudziko rekushaya bhokisi rekumuvigisa, kwazongotsvagwa marata nemapuranga varume vakakoma-koma, ndimo maaiswa matichamuviga ari ,” vanodaro Mai Winnet Milanzi.

Share This:

Sponsored Links