Uncategorized

Nyama yemombe 4 yanhongwa musango

04 Dec, 2021 - 07:12 0 Views
Nyama yemombe 4 yanhongwa musango

Kwayedza

Nomthandazo Masuku

MITUMBI yemombe ina yakaonekwa iri musango panzvimbo iri pakati paSabhuku Methodist nerukisheni rweMagwegwe kuBulawayo mushure mekunge yasiiwa nematsotsi nemusi weChitatu svondo rino.

Nyama iyi yakaonekwa iri mugoronga naGoodwell Mhlophe (65) anogara mubhuku reMethodist apo aichovha bhasikoro akananga kuMagwegwe.

Hazvisati zvazivikanwa kuti chii chakaita kuti mbavha idzi dzizosiya nyama iyi musango.

Mhlophe akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa eMagwegwe Police Station avo vakazoenda kunzvimbo iyi ndokusvikoona nyama iyi.

Mitumbi miviri yemombe idzi yakange isina kuvhiiwa apo mimwe miviri yacho yainge yakachekwa-chekwa nyama asi isina kuvhiiwa zvakare.

Mapurisa akakwanisa kuronda muridzi wemombe dzakabiwa idzi, VaLazarus Muronzi (62), kuburikidza nezvidhindo zvaive pamitumbi yemombe idzi.

VaMuronzi pavakasvika panzvimbo iyi vakatsinhira kuti mitumbi iyi yaive yemombe dzavo dzainge dzabiwa.

“Nemusi wa30 Mbudzi 2021 nenguva dza7 manheru, ndakavharira mombe dzangu mudanga. Zuva rakatevera nenguva dza5 mangwanani, ndakaenda kudanga ndichida kunovhurira mombe dzangu kuti dziende kumafuro ndokuona kuti mhou nhatu nedhonza rimwe chete zvakange zvisimo mudanga,” VaMuronzi vanoudza mapurisa.

Mombe dzakabiwa idzi dzinokosha US$2 300.

Vagari vemunzvimbo iyi vakataura pamusoro penyaya dzakawanda dzekubiwa kwezvipfuyo munharaunda yavo.

Mombe dzinonzi dziri kubiwa kunzvimbo dzinosanganisira Bilas, Island neCowdray Park uye nyama yacho ichitengeswa kuMagwegwe, Gwabalanda nekuPumula.

“Chinosuwisa ndechekuti vakomana vanoshanda sevafudzi vemombe ndivo vanopedzisira vave kutibira vodziendesa kumarukisheni kuti dzikwanise kutakurwa zviri nyore,” anodaro mumwe wevagari vemunzvimbo iyi.

Vagari vemunzvimbo iyi vari kukumbira mapurisa kuti avabatsire padambudziko rekubiwa kwemombe iri.

Share This:

Sponsored Links