Nyama yerurimi: Unozodei?

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Nyama yerurimi: Unozodei? Rurimi rwemombe rwakabikwa

Kwayedza

NYAMA yerurimi rwemombe mudya ndakasungwa ndokunge ikabikwa zvine unyanzvi uye inonzi yakakosha kuutano hwemhuri sezvo iine kudya kunovaka muviri semapuroteni.

Svondo rino Mai Alfa Ncube vekuBulawayo vanotsanangudza mamwe mabikirwo enyama yerurimi rwemombe.

Zvinodiwa:

Rurimi rwemombe, garlic, munyu, mafuta, matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro:

Fashaidza rurimi rwemombe muchikari kwemaninitsi makumi matatu.

Ita izvi uchishandisa moto wakaderera.Kana rwuchinge rwaratidza kupfava, bura ubvise rukanda rwekunze rwose.

Geza rurimi wocheka muzvidimbu zvakafanira.

Fashaidza nyama iyoyo zvakare kwemamwe maminitsi makumi maviri.

Isa chidimbu chechipunu chegarlic nemunyu wakaringana.

Isa mafuta mashoma ukange kusvika nyama yatsvukira.

Kanga hanyanisi nematomatisi parutivi wozozvisanganisa pashure.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura unakirwe nemhuri.

Usavi uhu hunogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>