Nyanduri okurudzira mitauro yemuno

09 Mar, 2023 - 10:03 0 Views
Nyanduri okurudzira mitauro yemuno Takudzwa Chikepe

Kwayedza

Abel Ndooka

NYANDURI ane mukurumbira arizve muimbi – Takudzwa ‘VaChikepe the Poet’ Chikepe – akatsikisa kambo katsva kanonzi Golden Ndarama ako kanokurudzira veruzhinji kukoshesa mitauro yemuno yakaita seChiShona.

Chikepe anoti mitauro iyi yakakosha sezvo ichiita kuti zvizvarwa zvemunyika ino zvizivikanwe nemamwe marudzi sevanhu vemuZimbabwe.

Muchinda uyu, uyo afamba kunyika dzakawanda, anoti adzidza zvikuru achiona tsika nemagariro enyika zhinji uko vanokoshesa mitauro yavo.

“Chinoita kuti tinzi tiri zvizvarwa zvemuZimbabwe mitauro netsika dzedu. Saka ngatikoshese tsika dzedu, kwatinobva nemitauro yedu.

“Ndafamba kunyika dzakawanda zvekuti ndaona kukoshesa kwavanoita tsika dzavo nekudaro nesuwo muno ngatikoshese tsika nemagariro edu. Asi ndiri kuona vechidiki vedu vazhinji vari kurasika zvikuru nekuti havasi kukoshesa tsika nemitauro yedu.

“Ndichiona izvi, ndakatora danho rekutsikisa kambo kangu katsva kanonzi Golden Ndarama ako kanodzidzisa veruzhinji kuti ngatikoshese mitauro yedu pazvese nekuti kwatiri mitauro yedu igoridhe. Tinoda kusvika panguva iyo muzvikoro tinenge tave kudzidziswa zvose nemitauro yedu dzingave svomhu, sainzi kana kushandisa michina yechizvino-zvino,” anodaro.

Chikepe mumwe wavananyanduri vashoma munyika vanokwanisa kunyora nhetembo, mabhuku nekutsikisa mimhanzi.

Nguva pfupi yadarika, akaburitsa nhetembo itsva – Moyo Wangu – uye gore radarika kambo kake kanonzi ZiMunamato kakaita mukurumbira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey