Uncategorized

Nyau: Zvakavanzika zvose bvu

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Nyau: Zvakavanzika zvose bvu VaKennedy Kachuluka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Vanoziva nezvezvinyau vanoti hazviwanzoda kuzivikanwa kana kufumurwa tsika dzazvo izvo zvinoita kuti zvityiwe. Zvigure kana kuti zvinyau zvinonzi havasi vanhu asi kuti imhuka dzinoita zvekuraurwa mumvura pachishandiswa mishonga dzopfekedzwa chimiro chemunhu.

Svondo rino, VaKennedy Kachuluka (49) – avo vanotungamirira sangano reZimbabwe National Traditional Dancers Association nereGule Wamukulu Nyau Dancers Association of Zimbabwe (Gundaz) – vanorondedzera kuti chigure chii.

“Sangano redu rinomirira mitambo yechinyakare, uye ini ndinotamba zvigure sezvo ndichibva kuMalawi. Nyaya hombe yandinoda kuti vanhu vazive ndeyekuti chinyau, gule kana kuti chirombo haasi munhu asi kuti chinoraurwa mudziva nevakuru, vouya nacho imi mozoona ava munhu akapfeka mbatya dzemutambo.

“Idzi imhuka dzinobatwa kumvura dzoiswa pavanhu vanotamba avo vanobatwa nemashavi acho,” vanodaro VaKachuluka.

Vanoramba mashoko ekuti mutambo wezvigure unofambirana nemabasa ehuroyi zvisinei nekuti vanotsinhira kuti munhu akagumburwa achitiza kana adenha kana kushatirisa zvinyau chironda chacho hachipore kudzimara anokumbira ruregerero.

“Nyau mutambo wechiChewa usina huroyi uyo wakangofanana nemapira anoitwa muZimbabwe. Chiripo bedzi ndechekuti mutambo uyu unonetsa kujoina sezvo uchitanga watomboenda kunokumbira kuvakuru, wotaura zvikonzero zvako kana usiri werudzi rwevanhu vanotamba zvinyau.

“Nhandare inotambirwa mutambo uyu kunonzi kuBwalo apowo vakuru vemutambo vachinzi maZibambo. Kana munhu atambirwa kuti atambe zvigure, anotanga aendeswa kuChinamwari kunodzidziswa tsika,” vanodaro.

VaKachuluka vanoti pane tsika inoitwa yekuti vanoenda kumakuva kana kuti kunonzi kumupanda nekumadziva kana kuti kumvura vachinoita mhiko dzavo ikoko.

Vanoti vatsva mumutambo uyu vanonzi vanaNamwari uye kuva nhengo yezvinyau kunonzi kumeta.

“Sezvinongoita mutambo wose-wose, kushandiswa kwemishonga kuzvigure kunowanikwa, asi hazvirevi kuti huroyi uye kana varoyi variko vanenge vakazvimirira.”

VaKachuluka vanoti pane zvakavanzika mumutambo uyu izvo zvinoita kuti veruzhinji vasabvumidzwe kuswedera pedyo-pedyo nezvinyau.

“Zvakavanzika ndizvozvo zvekuti gule tinoti dzilombo kana kuti imhuka dzemusango, hazvibvumidzwe kuti chirombo isu tinoti dzilombo. Dzilombo imhuka dzinoraurwa mumvura kana kutorwa kumvura younzwa kuvanhu kana kuMasiye, ndiko kuya kunenge kwafiwa,” vanodaro.

Sezvinoitwa mumapira, VaKachuluka vanoti hosho inoridzirwa zvigure inonzi Siramba uyewo anoridza wacho nekuzviperekedza achinziwo Lumbwe.

“Tine zvigure zvakasiyana zvinoti zvehusiku nezvemasikati. Dzimwe mhando dzezvigure dzinosanganisira Akapoli, Akasinja, Akachipapa, Nyoronyo, Amaria, Asimoni, Achadzunda, Akakaka, Akambanje, N’ombe kana kuti Chimombe, Njovhu kana kuti Nzou, Swala kana kuti Twiza.

“Kune zvimwe zvinonzi Mikango kana kuti Shumba. Tine zvinonzi Butterfly kana kuti Gulugufe chinove chigure chinobhururuka uyewo tine Akapini kana kuti Akanyinda neAkaiyatsa, “ vanodaro.

VaKachuluka vanoti Akaiyatsa chigure chakangoita segoritoto icho chavanoti chinokanda moto mudenga chakareba kuenzana nemiti mirefu.

“Ichochi chinooneka pakati pehusiku nekunze kwave kuedza uye chinoonekwa kana kwafa munhu mukuru bedzi. Kune chimwezve chinonzi Makanje kana kuti Mamunawachironda icho chinofamba negumbo rimwe chete zvose nekutamba asi kana chikadonha zvinoshura zvekuti panogona kufiwa panzvimbo pachinenge chichitambira.”

VaKachuluka vanoti pagadziriro dzemutambo wezvigure, kunhandare kwacho kunotanga kwagadzirwa nemishonga yekusimbisa zvose zvichaitwa.

“Pane zvinotaurwa zvekuti zvigure zvinoburitsa mwana mudumbu memadzimai anenge aine pamiviri, zvichimutsa vanhu kumakuva nekuzotamba navo. Uku kunyeperwa. Tine chivanhu chedu, panorohwa guva remunhu wegure moto wekubikisa doro unobatidzwa nezvinyau zvidiki zvinonzi Akapini izvo zvinenge zviine shamhu netsvimbo kana nemakano asi kwete zvekurovesa vanhu,” vanodaro.

Vanorambawo nyaya yekuti zvigure zvinodya huku mbishi vachiti nyama yehuku vanoita yekugocha.

“Kunotambirwa zvigure kunochengetedzwa nevakuru vanodaidzwa kuti Tsabwaro, Marumbwe kana kuti Apungu,” vanodaro.

Mutambo wegure, vanodaro VaKachuluka, unogona kushanda semushonga wevana vadiki pakupedza dambudziko rebuka uyewo nepakukoka vanhu – pangava pabhizimisi kana pose pazvinenge zvanotambira.

Ngoma dzinoridzwa nezvigure dzakasiyana dzinonzi dzinogadzirwa nematehwe emhuka uye mazita adzo anosanganisira Mupanje, Kenenge, Gapa, Gunda Wamukulu, Gunda Wamun’ono, Mutuwisa, Mutema neMbalule.

“Zvigure zvekuZambia zvinoridza pito asi zvekuMalawi hazviridze. Ndinonyanya kutenda vakuru vakaramba vakachengetedza mutambo wegure muno.”

VaKachuluka vanoenderera mberi vachiti, “Regai ndidzokorodze kuti gule haasi munhu, asi kuti mashavi kana kuti mhuka idzo dzatinoredza kana kubata mumvura izvo vazhinji vasingafanirwe kuziva zvakawanda-wanda nezvazvo.”

MuZimbabwe, zvinyau zvinonyanya kuwanikwa kumapurazi nemumisha iri mumaguta uko kune vanhu vanotevedza tsika dzekuMalawi kana dzekuZambia.

 

Share This:

Sponsored Links