Nyaya iri mubhuku

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
NDINE chivimbo chekuti vazhinji venyu makatsvaga bhuku ratiri kuongorora rinonzi Gona reChimurenga mukariwana. Zvino tave kuda kutarisa kuti bhuku iri rinombotaura nezvei uye zvii zviri mariri zvinoburitsa pachena kuti Gona reChimurenga.

Nyaya iri mubhuku iri inonakidza kwazvo uye bhuku racho harina kumbokura zvekuti zvinorerukira muverengi kupedza kuriverenga.

Kana ukanyatsowana mukana, hazvimbotori maawa angapfuura mashanu usati wapedza kuverenga nyaya iyi.

Tinoona kuti nyaya yedu iri maererano nehondo yeChimurenga chepiri icho chakarwiwa muZimbabwe apo vanhu vatema vaiedza kuzvibvisa muhudzvanyiriri hwevachena vakanga vakapamba nyika ino mugore ra1890. Zvikonzero zvekuti hondo iyi irwiwe zvakawanda chaizvo sekutaurwa kwazvinoitwa nemunyori. Zvimwe zvacho zvinosanganisa, kutorerwa hupfumi, kubatwa chibharo, kushandiswa pasina mubhadharo.

Mabhunu anorondedzera mafambiro akaita hondo yaakarwa pamwe chete nevamwe vake kudakara vazokunda. Anorondedzera matambudziko ose avakasangana nawo munguva yehondo.

Zvaisave nyore sekuburitswa kwazvinoitwa nekuti muhondo umu vamwe vaifa, vamwe vaikuvara, vamwe vaifirwa nehama neshamwari uye vamwe vaiuraiwa vasina kana mhaka. Yaive nguva yaishungurudza chaizvo.

Muna Gona reChimurenga munobuda madingindira akawanda chaizvo akaita sehondo, udzvanyiriri, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, rufu, urwere nemamwewo. Madingindira ose aya anoita kuti nyaya ifambe zvakanyatsetseka kubva kumavambo kusvika kumagumo.

Vanhukadzi vanoburitswawo vachiita zvakasiyana-siyana zvinoita kuti hondo ifamberi mberi. Vanamujibha nanachimbwido mabasa avo anoonekwa achisesekedza zvakare hondo yeChimurenga.

Gona rinobatsira varwi vehondo kuti vange vachikunda. Chinonzi gona igidi kana kuti pfuti inove yakabatsira chaizvo pakuti hondo yeChimurenga ifambire mberi.

Pfuti kana kuti gona yakaponesa vakawanda kubva kuutongi neupambwa hwevachena.

Ndiro gona rakaita kuti muchena azobvuma kudzosera vatema nyika yavo. Svondo rinouya tinotanga kuongorora kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya iri muna Gona reChimurenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>