Uncategorized

Nyaya yatezvara nemuroora inoda kuferefetwa: ZRP

16 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Nyaya yatezvara nemuroora inoda kuferefetwa: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA nedzimwe nyanzvi dzinoona nezvemutemo dzinoti nyaya yemudzimai wekwaChireya, kuGokwe, uyo wekupinda mudare ramambo veko ndokubuda pachena kuti akaitiswa mwana navatezvara vake inofanirwa kuongororwa zvizere.

Assistant Commissoner Paul Nyathi, avo vanova mutauriri wemapurisa munyika, vanoti nyaya yemuroora ane makore 21 okuzvarwa achigara mubhuku raChiromo uyo anonzi akaitiswa mwana navatezvara vake, inoda kuferefetwa zvakasimba.

“Munyaya iyi, iyo yakazoguma yaenda kudare raMambo Chireya uko iri kutongwa, hazvinyatsobuda pachena kuti muroora uyu aidanana here navatezvara ava kana kuti akabatwa chibharo. Tinoda kuti mudzimai uyu anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ari pedyo naye, yotanga kuferefetwa zvine hunyanzvi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti vamwe vanhu vanorega kumhan’ara nyaya dzavo kumapurisa nekusaziva mafambiro emitemo yenyika.
“Amai ava vanotaura kuti havana kubvumirana navatezvara vavo kuita bonde, kureva kuti chibharo chakazvimirira. Tezvara ava vanofanirwa kusungwa voendeswa kumatare edzimhosva.

MAI PRECIOUS SOMERAI TARU

“Mutemo wedu uri pachena, unoti mhosva dzechibharo hadzitongwe nemasabhuku kana nemadzishe kana vamwe vanhu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Precious Taru, avo vanova mukuru wesangano reMusasa Project iro rinomirira kodzero dzevanhukadzi vachiti nyaya yemudzimai uyu inoda kuongororwa zvine hudzamu.

“Tinokurudzira kuti amai ava vamhan’are nyaya yavo kumapurisa yotange kuferefetwa sezvo isu tichishanda nemapurisa nguva dzose,” vanodao Mai Taru.

Share This:

Sponsored Links