Uncategorized

Nyoka ine musoro unenge wemunhu -‘Inondinanzva muviri wose’ -‘Ndizvo zvandiitisa hupofu’

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Nyoka ine musoro unenge wemunhu -‘Inondinanzva muviri wose’ -‘Ndizvo zvandiitisa hupofu’ Godfrey Masakadza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaMurehwa anoti ava bofu zvichibva pakuti anorota achinanzvwa nekusvipirwa mate nemazinyoka mumaziso nemuviri wose — dzimwe dzacho dzine misoro inenge yevanhu. Godfrey Masakadza (35), wemubhuku raZihundi, kwaMangwende, akakura achiona asi anoti akazopofomara apo ziso rimwe chete rakatanga kusaona ndokuzotevera rimwe racho.

“Ndasvitsa makore masere ndisingaone asi idambudziko rakatanga nekunanzvwa kwandinoitwa nenyoka. Kubva ndichiri kuona, ndairota maziso angu achinanzvwa nenyoka kusvikira ndazoita bofu.

“Kunyangwe ndave bofu kudai, ndinoramba ndichirota mazinyoka anondinanzva maziso nemuviri wose inova nyaya inotsinhirwa nemaporofita nen’anga uko ndinozvifambira,” anodaro.

Murume uyu anoti nyoka idzi dzinouya dzakasiyana nguva nenguva dzichimumonera nekumunanzva — dzimwe dzine misoro miviri inenge yevanhu.

“Ndatambura veduwe, izvozvi ndava bofu handichakwanisa kushandira mudzimai wangu nevana. Ndave kumirira kungobatsirwa nehama neshamwari.

“Ndakaenda kuzvipatara nekuda kwedambudziko iri kusanganisira kwaMusami, kuParirenyatwa nekuMarondera asi chirwere changu hachionekwe.

‘‘Ndave kutodawo n’anga kana maporofita vanogona nekuti kune mamwe maporofita ane mbiri uko takaenda tikangotorerwa mari pasina chakafamba.”

Murume uyu anoti akatombonosvika kuimwe n’anga inonzi ishasha yekuChipinge asi anoti hakuna chakabuda zvakare.

“Ndakambotorwa naamainini munin’ina waamai vanogara kuChipinge vakambofamba neni asi hapana zvakasanduka. Chaiye angandibatsire ndamushaya.”

Godfrey anoti ave kukundikana kuriritira mudzimai wake Swinnie Mutemamambo (29) nevana vavo vaviri.

Murume uyu anotenda munin’ina wake Johanne Masakadza (30) uyo waanoti ndiye ava kuriritira mhuri yake.

“Tapererwa semhuri nekuda kwedambudziko iri, mari yapera kuenda kumachiremba nekumaporofita,” anodaro.

Murume uyu anoti inyaya inorwadza zvikuru kuti ava kutungamirirwa pane zvose zvaanoita kubvira pakufamba, kuenda kuchimbuzi nezvimwe izvo aisimbozviitira oga.

“Tinongonzi zvose izvi zviri kuitwa nemumwe munhu wemumusha medu ane godo nemhuri yedu,” anodaro.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri iyi inofanirwa kubatsirwa kuvanhu vezvemweya sekun’anga kana kumaporofita sezvo vachiti izvi zvine chekuita nemabasa ehuroyi.

Kune vanoda kubatsira vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0778 389 604 kana 0783 380 993.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey