Uncategorized

‘Nyoka’ inoda bonde, mari

17 Jan, 2022 - 10:01 0 Views
‘Nyoka’ inoda bonde, mari

Kwayedza

Trisa Ray Sibanda naNomthandazo Masuku

VAGARI vekuInyathi Village 5 kudunhu reMatabeleland North vanonzi vari kuoneswa pfumvu nenyoka ine hudokwa-dokwa hwekuda bonde iyo iri kubata vanhukadzi “chibharo” pamwe nekuti sikarudzi dzevanhurume vemunzvimbo iyi dzishaye simba uye ichivatorera mari.

Kwayedza yakakurukura nevamwe vagari vemunzvimbo iyi avo vari kugunun’una zvikuru nedambudziko renyoka iyi.

“Varume vedu vanoshanda nesimba kuti mhuri dzigute asi hationi chavanouya nacho sezvo mari yavanoshandira yose inongonyangarika. Izvi zviri kuitika mudzimba dzakawanda sezvo munhu wose ari kungochema nenyaya iyi, zvave kuita kuti tifungire kuti pane munhu ane nyoka iri kuita mabasa iwaya,” anodaro mumwe wevagari vemubhuku iri (zita tinaro).

Nyoka iyi inonzi yakatanga kuonekwa iri musaga mugomo kuInyathi nemumwe muvhimi uyo akazoudza sabhuku weko.

Zvinonzi muvhimi uyu akanzwa nyoka iyi ichishinyira iri musaga pakabva paita kutinhira kwakakura izvo zvakaita kuti afungire kuti ine chekuita nezvemishonga.

Sabhuku uyu akabva adaidzira musangano nevanhu vemubhuku make kuti vaende kunoona nyoka iyi kugomo asi musaga macho makawanikwa musina chinhu kunze kwemapamba (pamper) akashandiswa.

Vamwe vanhu vemubhuku iri vakazodaidza vanatsikamutanda kuti vachenure nzvimbo yavo.

Panguva iyo vanatsikamutanda vaiita basa ravo, zvinonzi chamupupuri chakabva chasimuka chikaenda kunomira pamba pemumwe mudzimai uyo aifungidzirwa kuti ndiye muridzi wenyoka iyi.

Muhurukuro neKwayedza, mukadzi uyu (zita tinaro) anoramba nyaya iyi uye anoti vamwe vanhu vemubhuku make vane godo nekubudirira kwakaita mhuri yake zvave kuita kuti vafungidzire kuti upfumi hwavo vanohuwana kuburikidza nenyoka iyi.

“Ndinozvinzwa kuti pane nyoka yashungurudza vanhu vemubhuku medu asi zviri kufungidzirwa kuti ndini muridzi wenyoka iyi manyepo. Hapana chandinoziva nezvenyoka iyoyo uye handina nyoka yandakamboona ini,” anodaro mudzimai uyu.
Magariro emudzimai uyu nevemubhuku rake anonzi haasisina kunaka sezvo vose vave kumutya nekuda kwenyaya iyi.

Kwaanoenda vanhu havadi kugara pedyo naye uye vana vake kuchikoro havachatamba nevamwe sezvo vave kusarudzwa.

Nyaya yekuti vanatsikamutanda vafambe paimba imwe neimwe vachichenura nekuchengetedza vanhu kubva kunyoka iyi inonzi yakaramba kubudirira sezvo mambo wenzvimbo iyi akati hazvisi pamutemo uye zvinoda mari yakawanda kuti vaite izvi.

Sabhuku VaFrank Hlalakuhle vanotsinhira nezvedambudziko renyoka iyi.

“Vanhu vemubhuku mangu vari kutsutsumwa nezvenyoka iyi kwenguva yareba chaizvo. Mutemo hautenderi kuti tipinde mudzimba dzevanhu tichichenura nechinangwa chekupedza dambudziko iri, chero tichifungidzira kuti pane ane nyoka yaanogara nayo.

“Zvisinei, mambo vakati anenge asangana nedambudziko renyoka iyi anogona kudaidza tsikamutanda kuti amuchenure. Handina simba rekuti vanatsikamutanda vafambe imba yoga-yoga vachichenura,” vanodaro Sabhuku Hlalakuhle.

Share This:

Sponsored Links