Uncategorized

Nyoka yakaipisisa muZim. . . unofa ne3 minutes

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Nyoka yakaipisisa muZim. . . unofa ne3 minutes Gabon Viper in Mendoza Bitis gabonica

Kwayedza

Daphne Machiri
NYOKA chikara chinotyiwa zvikuru nevanhu vakawanda nekuda kwekuti kana ikaruma, uturu hwacho hunokuvadza kana kuuraya.

Uturu hwenyoka hunosiyana nemhando dzacho. Kana muri muZimbabwe, nyoka ine huturu hwakanyanyisa kudarika dzimwe ibunga mutsakwani (gabbon vipper) iyo mwana wayo anonzi kana akaruma munhu, anofa mushure memaminitsi matatu.

Pasi rose, nyoka ine huturu hwakanyanyisa ndeinonzi inland taipan iyo inowanikwa kunyika yeAustralia.

Bunga mutsakwani inoteverwa pahuturu hwakaipisisa nerovambira (black mamba) kuchizouya mhangara (boom slang).

Kwayedza inoita hurukuro naVaBrown Singano (75) avo vava nemakore vachishanda panzvimbo inochengetwa nyoka nezvimwe zvipukanana zvesango, yeSnake World, iri pedyo neguta reHarare.

VaSingano vanoti zita rekuti bunga mutsakwani rinobva pakuti nyoka iyi inounganidza mashisha kana kuti mutsakwani yogarapo zvekuiti haionekwe nyore.

Bunga mutsakwani inonyanya kuwanikwa kuManicaland kunyanya nharaunda dzeMutare, Nyanga, Vhumba, Chimanimani nekunyika yeMozambique.

Mazino ayo anogona kureba 5cm uye inokasika kuruma kana ichinge yakanganiswa kana kutsikwa.

Kana yava huru, munhu akarumwa nenyoka iyi anofa mushure memaminitsi gumi (10) asi kashoma kuti irume nekuti inowanzokasika kutiza.

Bunga mutswakwani inobereka vana vanosvika 30 kamwechete avo vanobarwa dzatova nyoka sezvo ichichengetera mazai ayo mudumbu.

Mwana wenyoka anonzi nzvenzvana asi vamwe vanoti dzvanzvana.

Nzvenzvana iri kana rikaruma munhu richangobarwa, anofa mushure memaminitsi matatu nekuda kwehuturu hwakaipisisa.  Mwana webunga mutsakwani haarume munhu anopona. Kungorumwa bedzi, mukati memaminitsi matatu unenge watofa . . . asi hairume pese-peseba, vanodaro VaSingano.

Vanoti bunga mutsakwani inyoka isingade kuonekwa, ikaona kuti pane chinoda kuikanganisa inopa yambiro nekushita.

Bunga mutsakwani haikwire mumuti, huturu hwayo hauna mushonga hwekuhurapa uye ikaruma munhu, hunofamba nemuropa kunosvika kumwoyo huchiita kuti ropa rigwambe, munhu otofa.

Pasi pemutemo yemuZimbabwe, bunga mutsakwani inyoka inochengetedzwa zvekuti haibvumidzwe kuuraiwa, zvimwe chetezvo neshato.

VaSingano vanoti bunga mutsakwani inorarama kwemakore anopfuura 30, ichitozofa nekuchembera.

Kana iri rovambira, iyi ndiyo nyoka inomhanya kudarika dzose muZimbabwe zvekusvika 20km paawa rimwe chete uye ine mukanwa mutema — makanyatsosviba kuti ndoo — panova ndipo panobva zita rekuti ‘black mamba’, vanodaro.

Nyoka iyi inonzi inovhunura mwedzi woga-woga kunze kwenguva yekutonhora.

Rovambira kana rikaruma munhu anogona kufa mukati memaminitsi 30.

Vanoti kana munhu achinge achidzingirirwa nerovambira, anokurudzirwa kumhanya achinzvenga-nzvenga nekuti iyo inomhanya yakatwasuka.

Mhangara hadzi ine ruvara rwebrown kuchiti rume inhema kana green.

Nyoka iyi inofarira kugara mumiti yemichero semigwavha, mipichisi nemimango asi haidye michero asi kuti inenge ichihwandira shiri – kunyanya many’ana.

Mhangara ine mazino ekumashure kumatadza (back fangs) uye haiwanzoruma vanhu.

Kana ikaruma munhu, hapana mushonga wekurapa huturu hwacho munyika muno uye unotowanikwa kuSouth Africa. Munhu akarumwa nenyoka iyi, anobuda ropa zvisingaonekwe mukati memuviri, maronda ekunze haapore ayo anoita semanyukira uye akaita vhiki asina kurapwa anogona kufa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey