Uncategorized

‘Nyoka yangu yandirasisa’

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Nyoka yangu yandirasisa’ Mhembere akabata mhungu yakawanikwa nemapurisa mumba make svondo rino

Kwayedza

Abel Ndooka, Milcah Nhakura naKingstone Mapupu
MURUME anozviti muporofita wekuHopley, muHarare, nekune rimwe divi ari n’anga – uyo ari kupomerwa mhosva yekuba achibatsirana nevamwe vake vatatu vakapakata pfuti – ndokuzobatwa aine zinyoka rerudzi rwemhungu mumba make, akambobuda muKwayedza gore rapera apo akasvikirwa nevatori venhau achishopera ari musvo parimwe purazi riri kwaMambo Svosve, kuMarondera.

Ongororo yakaitwa nebepanhau rino inoratidza kuti murume wekubatwa svondo rino aine nyoka uyu ndiye mumwe chete akambowanikwa neKwayedza akaunganirwa nechaunga kuMarondera apo aipumha varoyi “nekuchenura” nzvimbo. Ipapo “akabata” nyoka yaaiti ndeye varoyi.

Eddison Mhembere (38) – uyo anozvitiwo Sekuru Gorejena – akati anobva kwaMasembura, kuBindura.

Ipapo Mhembere paakabuda muKwayedza aiti akange ashevedzwa nemuridzi wepurazi reArgosy, David Worswick, kuMarondera akabhadharwa $800 yekuchenura nzvimbo iyi.

Panguva iyi, Mhembere aizviti in’anga yemandiriri uye akabata zvinhu zvaisanganisira mhungu nezvimwe zvainzi zvidhoma nenyanga papurazi iri. Vamwe vanhu vakapumhwa huroyi.

Nyoka yakangofanana neyainzi ndeye varoyi kuMarondera – iyo yaive yakareba chipo chemita nechidimbu – yakangofanana neyakawanikwa nemapurisa iri kumba kwaMhembere svondo rino.

Mukweshwa wemhungu yesvondo rino waive muchibhegi chegrey icho chainge chakamoneredzwa nejira reretso. Jira reretso iri rakafanana zvakare neraiva naMhembere apo aichenura kupurazi rekuMarondera gore rapera. Mhembere ari kuchema-chema achiti nyoka yake rwendo rwuno yakamurasisa sezvo achiti ndiyo yaimuchengeta kuti asasungwe nemapurisa nguva yose iyi uye anoshandisawo nyoka nemushonga kupa raki kune vanhu vaanoshandira.

“Handizive kuti chii chakatadzwa nekuti nguva zhinji handibatwe.Ndinodzivirirwa nemasimba andinawo asi handikwanise kutaura kuti chii chazoitika rwendo rwuno,” anodaro.

Anoti akawana masimba ekubata nekupingudza nyoka kubva kuna sekuru vake mushakabvu.

“Ndakapihwa masimba akawedzerwa nasekuru vangu ekuti nyoka dzishaye simba kwandiri. Nyoka idzi dzinounzira vanhu vandinenge ndichibatsira upfumi pamwe nekusimudzirwa mumabasa avo,” Mhembere anoudza Kwayedza mushure mekusungwa.

Anoti kana munhu akauya kwaari achida kubatsirwa, anoenda naye musango “onovhima” mhungu iyo anonoteketera ari kumba kwemunhu ari kubatsirwa.

Anozonosiya nyoka iyi musango.

Mhembere anoti mhungu iyi nemunhu anenge achida kuita raki vanenge vave chinhu chimwe chete uye vave kurarama upenyu humwe zvekuti panofa nyoka iyi ndipo panofawo munhu iyeye kana kuti panofa munhu ndipowo panofa mhungu iyi.

Anotizve ane mhungu nhanhatu idzo anoshandisa kuita mhiko dzebasa rake. Mhembere paakasungwa nemapurisa akapa makore ake ekuberekwa se38 anova mamwe chete aakapa kuKwayedza gore rakapera. Mapurisa vakazovinga muporofita-n’anga uyu pamba pake apo vamwe varume vatatu vanonzi anoshanda navo mukupara mhosva vakange vasungwa vakadura zita rake vachiti pfuti yavanoshandisa vakaiwana kunaMhembere.

Vasungwa vatatu ava ndiTafirenyika Mazongondo (26), Brendon Mukandwa naKudakwashe Mafuta (24) – vose vanogara kuStoneridge, muHarare. Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi nemusi weSvondo wadarika mapurisa akawana mashoko anoti mumwe wevanofungidzirwa kuti makororo ava – avo vaitsvagwa nemapurisa – aive ari kuChitungwiza uko akanosungirwa.

Paakabvunzurudzwa kuti vamwe vake vaive kupi, akabva adura zvikaita kuti vamwe vaviri vabatwe.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi nemapurisa, Mazongondo, Mukandwa naMafuta vanonzi havana kupedza nguva apo vakanongedza Mhembere kuti ndiye akavapa pfuti yavaishandisa mukupara mhosva.

Mapurisa akabva aenda kukirawa yaMhembere iri kuHopley pasowe rake ndokumusvikira aine musvesvenenga wenyoka. Asi Mhembere ari kuramba kuti ndiye akatengesera vasungwa vatatu ava pfuti achiti vakaitengeserwa neshamwari yake.

Mapurisa vari mubishi kutsvaga shamwari yaMhembere iyo yaanoti ndiye akatengesera varume ava pfuti. Officer Commanding Chitungwiza District, Chief Superintendent Sekai Mujiwa, vanotsinhira nyaya yekusungwa kwevarume vana ava.

Vanoti kana vanhu vachida kupfuma, ngavapfume nenzira kwadzo kwete kuterera maporofita enhema anovapa mhuka vachinzi zvinovaunzira raki nekuti zvinogona kuzovapinza muna taisireva.“veruzhinji ngwarirai nekuti munobirwa nemaporofita enhema aya, munopihwa mhuka muchinzi ndezveraki asi handizvo, tiudzei isu semapurisa tivabate. “Mishonga yeraki hakuna, chauinacho ndizvo zvawakapihwa naMwari. Vagari vemuChitungwiza nevamwe veruzhinji siyanai nezvemishonga izvi nekuti kazhinji unozvishevedzera rufu, munozviparadzira upenyu hwenyu uye mhuri yako. Mhedzisiro yacho tinokusungai,” vanodaro Chief Supt Mujiwa. Vanoti vasungwa ava vachavaendesa kwaMurehwa sezvo kuri iko kwavanonzi vakaparira dzimwe mhosva dzekuba vachishandisa pfuti.

Share This:

Sponsored Links