Uncategorized

Nyoka yemapipi yakapiswa

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Nyoka yemapipi yakapiswa

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kuCHIMANIMANI

NYOKA yekusanduka kuita chitanda chehuni mushure mekunge yaendeswa kudare raMambo Mutambara, kuChimanimani, nguva pfupi yadarika inonzi yakazopiswa svondo rapera kunova kuperawo kwakaita matambudziko evagari vekubhuku raNenohwe avo vanonzi vange vaoneswa pfumvu nekunanzvwa kusikarudzi.

Nyaya yenyoka iyi yakabuda pachena mushure mekunge mwanasikana ane makore 12 ekuberekwa wemubhuku raNenohwe anonzi akaona Mbuya Savie Nenohwe vachiyamwisa chikara ichi vari pamba peshamwari yavo inonzi Mbuya Ethel Sithole nguva pfupi yadarika. Zvichitevera kufumurwa kwayo, zvakaonekwa kuti nyoka iyi yakanga iri kushungurudza vagari vemunzvimbo iyi ichivananzva nhengo dzakavandika.

Madzimai Loice Mukono, avo vakapihwa basa naMambo Mutambara rekubata nyoka iyi, vanoti chechi yavo yakazobudirira kuuraya chikara ichi. Nyoka iyi, iyo yakazosanduka kuita chitanda payakaunzwa kudare raMambo Mutambara vanhu vose vachiona, inonzi yakapisirwa pamba paMbuya Sithole.
“Nyoka iyi haichina munhu waichashungurudza sezvo yakapiswa nemusi weMugovera. Takaipisa ari masikati nekuti yaive nekatsika kekuita danda asi yozosanduka kuita nyoka manheru.

“Iri nyoka kudaro, manheru yaibva yapinda mumabhedhuru evanhu ichivananzva nhengo dzakavandika. Nyoka iyi yaiita kuti Gogo Nenohwe vaite upfumi.

“Zvose izvi zvakabuda pachena panguva iyo nyoka iyi yakapiswa. Hataiziva kuti Gogo Nenohwe vakanga vaine chitoro paNenohwe Business Centre,” vanodaro Madzimai Mukono.

Vanoti pavakanga vava kupisa nyoka iyi, Mbuya Nenohwe vakabva panzvimbo iyi vachirwadziwa vakaridza mhere yainzwikwa vari kumba kwavo. Munhu wose akanzwa kuchema kwavo apo nyoka yakanga yava kupiswa. Takasarudza kupisa nyoka nezvimwe zvinhu zvavo tiri pamba paGogo Sithole sezvo pari ipo pazvaichengeterwa,” vanodaro.

Madzimai Mukono vanoti Mbuya Sithole vakanga vasiri kuziva nezvenyoka yaive pamusha pavo kusvika pavakazoudzwa nemuzukuru wavo.

“Zvakangonaka kuti tichenure Gogo Sithole sezvo vari kuti shamwari yavo ndiyo yakavashandisa, saka tinozviremekedza,” vanodaro Madzimai Mukono. Mambo Mutambara vakaripisa Mbuya Nehomwe mombe mbiri mushure mekubatwa nemhosva yekuita mabasa ehuroyi.

“Tinoshora vanhu vanovimba nemabasa ehuroyi uye tichivazivisa kuti mudunhu rino hazvibvumirwe.
“Gogo Sithole vanoramba vachiti sahwira wavo ndiye aivashandisira mushonga nerweseri. Vakatouya kumatare kuti nyaya iyi itaurwe nezvayo,” vanodaro Mambo Mutambara.

Share This:

Sponsored Links