Nyoresai kurima fodya – TIMB

03 Sep, 2024 - 16:09 0 Views
Nyoresai kurima fodya – TIMB Varimi vachitengesa fodya kumusika

Kingstone Mapupu

KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) iri kukurudzira varimi kuti vanyorese kurima fodya mwaka uno kuitira kuti vazokwanisa kutengesa chirimwa ichi pasina dambudziko.

Mai Chelesani Moyo Tsarwe, avo vanova mutauriri weTIMB, vanoti gore roga-roga kumahofisi avo kunouya varimi vasangana nematambudziko ane chekuita nekutengesa fodya.

Vanoti kunyoresa kurima fodya kwakakosha zvikuru kuitira kuti murimi asazotsvage vamwe vanhu kuti vamutengesere chirimwa ichi kumisika senzira yekudzivirira kubiridzirwa.

“Mwaka wekutengeswa kwefodya wakavhara svondo rino saka ikurudziro yedu kuvarimi vose nevamwe vari kutanga kurima kuti vave nemagwaro akakodzera ekuita basa iri. Chekutanga, tinoti mahofisi edu eTIMB anenge akavhura kubatsira varimi vefodya mune zvakasiyana saka ngavaende ikoko vonobatsirwa kutora atinoti ma’growers numbers’.

“Number iyi ndiyo inoita kuti murimi akwanise kutengesa fodya yake kumisika yaanoda pasina dambudziko. Kana usina number iyi, uchatsvaga vamwe vanhu woshandisa number dzavo zvinoita kuti uzobirwa fodya yako kana mari chaiyo,” vanodaro Mai Tsarwe.

Mai Chelesani MoyoTsarwe

Vanoti kuti murimi anyorese kurima fodya achipihwa growers number, anofanirwa kuva netsamba inoratidza kuti ane munda paine matitle deeds, tsamba yakaita seOffer Letter yemunda weA1 kana A2 inobva kubazi rezvekurima uye vanorima vari kumaruwa vanofanirwa kuva netsamba inobva kuna kanzura, sabhuku kana mambo iine chidhindo.

“Zvose izvi kana murimi ainazvo, zvinoita kuti apihwe gwaro rine growers number zvakasununguka apo anosungirwa kuenda nechitupa chake uyewo poitawo tsamba inobva kumurimisi ichitsinhira kuti anorima fodya. Mari inongodiwa chete inoita US$10 inobviswa murimi achipihwa growers number yake kumahofisi ose-ose eTIMB,” vanodaro Mai Tsarwe.

Vanoti hakuna mamwe mahofisi anoita izvi kunze kweTIMB.

“Dambudziko ratinosangana naro kuvarimi vanoberekwa nevamwe vachishandisa magrowers numbers avo nderekuti vanoguma vava kubirwa mari yavo sezvo ichipinda mumazita evamwe. Saka tinoti murimi ngaaite growers number yake,” vanodaro Mai Tsarwe.

Kune vanoda kuziva zvakawanda nekuda kwemafambisirwo ezvinhu vanogona kuridza nhare dzinoti 0772 145 166-9.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey