Nzara: Gara wagadzirira

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Nzara: Gara wagadzirira

Kwayedza

MWAKA uno mvura haizi kunaya zvakanaka kumatunhu ane chitsama enyika izvo zvakonzera kuti zvirimwa zvakaita sechibage zvisvike padanho rekuda kuoma nekuda kwekushaya mvura kwenguva yakareba.

Vanamazvikokota vezvemamiriro ekunze, zvikuru bazi reMeteorological Services Department (MSD), vakagara vayambira varimi nevamwe veruzhinji kuti mwaka uno mvura yekunaya inogona kushomeka nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze zvichikonzerwa neEl Nino.

Izvi zvakaona mvura ichinonoka kuturuka zvakare zvikazoita kuti vamwe varimi vadyare mbesa dzavo mwaka wafamba.

Nechinangwa chekuda kuziva mamiriro akaita zvinhu maringe nezvirimwa zvakasiyana uye nenyaya dzemafuro ezvipfuyo, svondo rapera Hurumende yakatanga chirongwa chekuongorora kukura kweminda yakarimwa mwaka uno uyewo nekuwanikwa kwemvura.

Ongororo iyi yakakosha zvikuru sezvo iri iyo inozoratidza mamiriro ezvirimwa nezvipfuyo munyika yose izvo zvinozoita kuti Hurumende itore matanho akafanira.

Kune mamwe matunhu sekuMasvingo, kunyanya kuZaka, zvirimwa zvinonzi zvave padanho risina kunaka sezvo zvichigona kuoma nekuda kwekushaya mvura kwenguva yakareba.

KuZaka zvinonzi zvirimwa zvakaita sechibage zvakatarisana nekuoma zvachose kana mvura ikasanaya mumasvondo maviri ari kutevera.

Vamwe varimi vanonzi havasati vadyara sezvo mvura yakapedzisira kunaya mumwedzi waZvita.

Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti kune mamwe matunhu enyika kunogona kuita nzara nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vagare vakagadzirira.

Murimi akangwara anogadzirira nzara nguva ichiripo kuburikidza nekuchengetedza chikafu chaanenge ainacho.

Zvave kureva kuti vamwe varimi vange vachitengesa chibage vatombomira kuitira kuti mumatura avo musasare musina chinhu.

Pamusoro pezvo, zvirimwa zvakadai sechibage zvinofanira kunge zvichiiswa mushonga wekuuraya zvipfukuto.

Kuchengetedza goho kubva kuzvipfukuto kwakakosha zvikuru nekuti murimi anokwanisa kupedzisira atarisana nenzara iye ange akarima nekukohwa zvakanaka nekuda kwekuti goho rinenge raparadzwa nezvipfukuto.

Hongu, Hurumende yagara ichitaura kuti munyika mune chibage chakakwana uye hapana ari kuzofa nenzara.

Asika, izvi hazvichareva kuti murimi ongopeta mawoko achimirira kuzopihwa zvekudya neHurumende.

Murimi akangwara anogara aine chikafu chake uye Hurumende yozotutsirawo pane zvaanenge ainazvo.

Vakuru vanoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo uye akubaira zanhi ndewako.

Saka murimi akangwara anofanogadzirira nzara nguva ichiripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey