Nzira dzekuti nyika igute

17 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
Nzira dzekuti nyika igute Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa – Dr Anxious Masuka – nguva pfupi yadarika vakaparura chirongwa cheNational Food Systems Dialogue muguta reHarare icho chiri maringe nekusandura raramo yeveruzhinji kuburikidza nekurima kwakanaka kusingakanganisi nharaunda panguva ino nyika iri kurwisana nechirwere cheCovid-19.

“Nhaurwa iyi iri maringe nemarimiro atingaite senyika kuti tibure goho guru uye matambudziko anosanganikwa nevarimi mubasa ravo kuti angakundwa sei. Izvi zvinobatsira kuti titsvake nzira dzatingaita kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvedu zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals mugore ra2030 zvekuona kuti nzara nehurombo zvarwiswa muZimbabwe,” vanodaro.

Vanoti hurukuro iyi iri kuuya panguva iyo nyika iri kutambudzwa nechirwere cheCovid-19 chinova chakanganisawo kusimukira kwenyaya dzekurima.

“Chinagwa chedu ndechekuona kuti nyika yawana chikafu chakakwana, chine utano nekuona kuti vanotambura vawaniswawo kudya uye zvekushandisa zvakakwana pakurima. Chirongwa chekugoverwa patsva kweminda chakabatsira mukusimudzira kurima uye maindasitiri muZimbabwe,” vanodaro Dr Masuka.

Vanoti chirongwa cheAgriculture and Food Systems Transformation Strategy (2020-2025) chinobatsira mukumutsiridza nyaya dzekurima, kurimwa kwemiriwo nemaruva, kusimudzirwa kwekuchengetedzwa kwezvipfuyo uye kuwaniswa kwemashoko azere maringe nekurima.

“Chirongwa ichi chiri kusimukira kubva paUS$5.2 bhiriyoni kuenda paUS$8.2 bhiriyoni zvinova zviri kubatsira mukusimudzirwa kweGross Domestic Products (GDP) nechikamu che20 percent mugore ra2025 uye mukuzadzikiswa kweVision 2030,” vanodaro Dr Masuka.

Murongi kusangano reUnited Nations, Mai Maria Ribeiro, vanoti vanofara zvikuru nechirongwa chekusimudzira kuwaniswa kwechikafu munyika cheFood Systems Summit National Dialogue.

Mai Maria Ribeiro

“Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika 116 dzinova nhengo dzeUnited Nations mukufambiswa kwechirongwa ichi. Munyori mukuru weUnited Nations achazoita mumwe musangano maringe nechirongwa chimwe chete ichi pagungano reGeneral Assembly mumwedzi waGunyana gore rino. Chirongwa ichi chakakosha mukusimudzirwa kwezvirongwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals mugore ra2030 pamwe nekurwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Mai Ribeiro vanoenderera mberi vachiti, “Chirongwa ichi chinotipa hwaro hwekuti tifunge maringe nekukosha kwechikafu uye kwachinobva, kuchengetedzwa kwenharaunda, zvekushandisa pamwe nenyaya dzekutengeserana. Vechidiki vanofanira kuwaniswawo mikana yekurima kuitira kuti vawane mabasa uye nyika iite maguta.”

Vanoti UN inotsigira nyaya dzekurima, zvikuru sei muzvirongwa zvinoitwa nesangano reFood Agriculture Organisation (FAO) zvakadai seIdai Recovery Programme apo vakatsigira vanhu vakatambudzwa nemafashamu eCyclone Idai kuti vakwanise kuwana chikafu mumatura avo uye kutenga zvimwe zvipfuyo vachitsigirwa nebhengi guru renyika reWorld Bank.

“Vanhu vanodarika 6 000 vakatirenwa maringe nekurima pamwe nekukohwa apo sangano reUNDP riri kutsigira vanhu 840 000 mumadistricts 18 kuti vagone kurima mbesa dzinotirira zuva zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze. Sangano reFAO, World Food Programme neUNDP vari kumutsiridza zvirongwa zvemadiridziro 34 mumatunhu anoti Manicaland, Masvingo neMatabeleland South. WFP iri kubatsira nechikafu uye mari zvakare kuvagari vemumaguta avo vakakanganiswa raramo yavo nekuda kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro Mai Ribeiro.

Share This:

Sponsored Links