Nzira itsva dzekudzidza pamwe nekudzidzisa

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views
Nzira itsva dzekudzidza pamwe nekudzidzisa Zvikoro zvokurudzirwa kutambira nemawoko maviri zvidzidzo zveICT sezvo zvichisimudzira ruzivo rwevadzidzi zvose nematicha.

Kwayedza

Kudakwashe Chidziya naTapiwa Mushonga
ZVIKORO zvinodarika 30 zvekudunhu reManicaland zvinotarisirwa kubatsirika zvikuru nechirongwa cheICT Transforming Education in Africa icho chiri kuitwa neUNESCO munyika nhatu dzemuAfrica.

Zimbabwe yakasarudzwa kuti ipinde muchirongwa ichi, icho chine chinangwa chekusimudzira fundo pachishandiswa nzira dzechizvino-zvino kuvadzidzi nematicha acho.

Vachitaura pamusangano wemazuva matanhatu wekufundisa maticha ekuManicaland nezvemichina yechizvino-zvino, VaAndrew Moore — avo vanova nyanzvi yezvedzidzo kuSouth Africa uye vachishanda neUNESCO — vanoti zvidzidzo zveICT zvakakosha zvikuru kune vechidiki.

“Pasi rose riri kuenda kunyaya dzemichina yechizvino-zvino, nekudaro maticha edu anofanira kuve neruzivo pamusoro pazvo,” vanodaro. “Kunze kwekushandisa Google mukuita tsvakurudzo, tinogona kuvamba dzimwe nzira dzedu nepadiki — zvedu isusu zvinozoshandiswa nematicha edu vachifundisa vana,” vanodaro VaMoore.

VaHilary Sidindi — avo vanova educational technologist paAfrica University — vanorumbidza chirongwa ichi.

Vanoti zvikoro zvemuZimbabwe zvinofanira kutambira nemawoko maviri zvidzidzo zveICT sezvo zvichisimudzira ruzivo rwevadzidzi nematicha acho.

VaSibindi vanoti zvinowanikwa pasi pechirongwa ichi zvichaita kuti fundo iendeke kana zvichienzaniswa nenzira dzekudzidzisa dzaishandiswa kare.

“Kuburikidza nekushandisa nzira yeKahoot — inove nzira yekudzidzisa — dzidzo yedu inoenda padanho repamusoro, nzira dzekudzidzisa dzinofanirwa kusanduka kubva pakutyisidzira dzigove dzinokurudzira izvo zvinogamuchirika nyore kumudzidzi.

“Kahoot mutambo, asi unouya nezvidzidzo zvinokurudzira mudzidzi nekudaro nzira iyi inofanirwa kushandiswa kuvadzidzi vepuraimari nesekondari,” vanodaro VaSibindi.

Share This:

Sponsored Links