Nziyo dzaParadzai Mesi

26 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Nziyo dzaParadzai Mesi Paradzai Mesi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA cheNjerama Boys, icho chinotungamirirwa naParadzai Mesi, chakaumbwa mugore ra1997 uye zita racho rakabva pachikomo chinonzi Njerama chinowanikwa kuMavhuradonha kuMuzarabani, kudunhu reMashonaland Central.

Chatsikisa madambarefu 12 kubva mugore ra2000 ayo anosanganisira Zaru, Zviripachena, Pane Chauraya, Goneso, Masimba Towedzera, Zvave Muropa, Kambairai, Chitaurirwa, Nguva, Harisi Dambe, Zvipo NdezvaMwari, Hupenyu Madzoro naPahukama Hazvidaro.

Mesi anoti haasati apera sezvinotaurwa nevamwe vanhu.

“Panziyo dzangu dzose dzandakatsikisa, hakuna kandinoti kanonakidza kudarika kamwe asi vatereri ndivo vanosarudza dzavanoda. Handisati ndapera, ndine nziyo dzakawandisa dzandakanyora dzakamirira kutsikiswa dzinoda mari kuti ndiite izvi,” anodaro Mesi.

Muimbi uyu ari kuimba nevana vake vanosanganisira vakomana vaviri nemusikana mumwe chete vanoti Willis, Webster naEmelda.

Vose anoti dzava shasha dzekuridza magitare nekuimba.

Iwewe unonyanyofarira kambo kanonzi chii?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey