‘Nzvimbo dzeForm 1 dziripo dzinokwana’

13 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
‘Nzvimbo dzeForm 1 dziripo dzinokwana’ VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Nqobile Tshili naFlora Sibanda

HURUMENDE inoti kune nzvimbo dzeForm 1 dzakawanda idzo dzinokwanisa kutora vana vose vakanyora bvunzo dzeGrade 7 gore rino.

Chiziviso ichi chiri kuuya panguva iyo vabereki vatanga kutsvagira vana vavo nzvimbo dzeFomu 1 segadziriro yetemu yekutanga ya2023.

Vabereki vari kutsvaga nzvimbo dzechikoro dzebhodhingi paindaneti kuburikidza nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari.

Hurumende iri kukurudzira vabereki kuti vaone kuti vana vavo vapinda muzvikoro zviri pedyo nekwavanogara.

KuBulawayo, vabereki vakatotanga kutsvaga zvikoro zvavanofunga kuti ndizvo zvakanaka.

Vatori venhau nemusi weChitatu chadarika vakashanyira zvikoro zvine chitsama muBulawayo vakaona mazana nemazana evabereki vari mumitsetse kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 dzevana vavo.

Pachikoro cheMpopoma High, vabereki vaive vakaita mitsetse mirefu vaine tarisiro yekuti vana vavo vanyorese Form 1.

Zvikoro zvakaita seSizane High School zvakange zvatoisa chiziviso chekuti nzvimbo dzeForm 1 dzazara uye havachatambira vadzidzi vatsva.

Asi Hurumende inozivisa vabereki kuti pane nzvimbo dzinokwana vana vose vanoda kutanga Form 1 gore rinouya.

Mukushi wemashoko mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti hapana chikonzero chingaite kuti vabereki vavhunduke sezvo nzvimbo dzeForm 1 dziripo dzakawanda.

“Hatina dambudziko maererano nenzvimbo dzeForm 1. Tine zvikoro zvinokwana nzvimbo dzeForm 1. Hapana mudzidzi achakundikana kuwana nzvimbo yeForm 1 yegore ra2023,” vanodaro.

VaNdoro vanoti chinonetsa inzvimbo dzekugara kumabhodhingi idzo dzinove shoma.

Vanoti vamwe vabereki vari kukonzera kuti nzvimbo dzeForm 1 dziite seshoma nekuti vari kungoenda kuzvikoro zvavanoona sezvakanaka.

“Semuenzaniso, anogona kunge ari mubereki anogara kuNketa asi anoda kuti mwana wake aende kunonyoresa pachikoro chiri mumusha weBarham Green icho chinonzi chakanaka,” vanodaro VaNdoro.

Vanotiwo vabereki vanofanira kubatsira mukusimudzira zvikoro zvemunzvimbo dzavo kuti zvibude zvakanaka muzvidzidzo.

“Basa riri kuvabereki kuti vavandudze zvikoro zvemunharaunda dzavo kuitira kuti mukupera kwezuva zvipe dzidzo yemhando yepamusoro,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti nyika haina zvikoro zvebhodhingi zvakawanda izvo zvinoita kuti zvinyanye kunetsa kutora vadzidzi vose vanenge vachitsvaga nzvimbo.

“Vana vane mayunitsi matanhatu kusvika kumapfumbamwe havatambudzike kuti vanyorese kunyangwe kuzvikoro zvebhodhingi, asi avo vane magiredhi epasi vanoomerwa nekuti nzvimbo dzinonyanya kupihwa vakapasa,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti zvakakosha kuti vabereki vave nechekuita mubudiriro yedzidzo yevana vavo kubva padanho reEarly Childhood Development (ECD) kusvika kusekondari.

Mukuru wesangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers Association (Zimta), Dr Sifiso Ndlovu, vanotsinhira kuti hapana kushomeka kwenzvimbo dzeForm 1.

Vanoti panoda kuvandudzwa zvimwe zvezvikoro zviri pasi peHurumende kuti zvikwanise kukwikwidzana nezvakazvimirira.

“Zvikoro zvakazvimirira zvine zvivakwa nemimwe midziyo inodiwa pakudzidza yakanaka izvo zvinoita kuti vabereki vazhinji vazvifarire kana zvichienzaniswa nezvikoro zveHurumende. Dai zvikoro zveHurumende zvakanaka sezvikoro zvakazvimiririra tingadai tisingasone chikiribidi pakutsvaga nzvimbo,” vanodaro Dr Ndlovu.

Pachikoro cheMpopoma High School nemusi weChitatu, pakaita zhowe-zhowe vabereki vachipopota kuti vana vavo vanyorese Form 1.

Mumwe mubereki, VaFreddy Ndlovu vekuMpopoma, vanoti chikoro cheMpopoma High ndicho chekutanga chavakasarudzira mwana wavo.

Vanoti mwana wavo akabuda nemayunitsi gumi asi vakuru vechikoro ichi vakavaudza kuti havachatore vadzidzi vatsva.

“Ndicharwadziwa zvikuru kana akakundikana kuwana nzvimbo pachikoro ichi nekuti ndicho chimwe chezvikoro zvepamusoro munharaunda yedu.

Tanzi timire kunze kwegedhi kuitira kuti kana paine akundikana kubhadhara mari inodiwa $35 000 pamwe vana vedu vanozowaniswawo nzvimbo,” vanodaro VaNdlovu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey