Nzvimbo dzekubaira nhomba muzvikoro

17 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Nzvimbo dzekubaira nhomba muzvikoro Dr Mangwiro

Kwayedza

Tanyaradzwa Rusike naNokuthula Dube

MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti Hurumende iri mushishi yekuti pave nenzvimbo dzekubaira vadzidzi majekiseni ekudzivirira Covid-19 muzvikoro nedonzvo rekurerutsira vanokodzera kubaiwa nhomba idzi, avo vane makore 16 kusvika 17 okuberekwa.

“Tine zvikwata zvichaendako kunobaya vana. Panogona kunge pari pazvikoro, kumachechi kana pazvigayo nekwose kuchange kuine nzvimbo dzekubaira vanhu.

“Hatingati sekuti chikoro chiri chinhambwe chemakiromita 70 ndicho chega chiri kubaiwa nhomba nekuti zvikoro kazhinji zvinenge zviine vana vanosvika 1 000 kana kudarika.

“Hazvizove nyore kune vamwe. Saka zvakanaka kwatiri kuti titumire zvikwata izvi muzvikoro. Tikaendako, tikabaya vadzidzi 400, chinenge chiri chinhu chakanaka.

“Tiri kuenda muzvikoro, zvingave zvinodzidza vana vachidzokera kumba kana zvebhodhingi. Izvi zvinoita kuti basa redu rireruke tichibatsirwa nevadzidzisi uye tine zvimwe zvikwata zvatove pabasa izvozvi,” vanodaro Dr Mangwiro.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana mukutanga kwemwedzi uno rakabvumidza vane makore 16 kusvika 17 kuti vabaiwe nhomba pachishandiswa mushonga weSinovac.

Zvichakadai, chikamu chinosvika 99 percent chevashandi veHurumende kusvika pari zvino vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) neechipiri (2nd dose) panguva iyo vose vanofanirwa kunge vabaiwa mwedzi unotevera uye kukundikana kwavo kuita izvi vachatorerwa matanho akakodzera maringe nemutemo webasa.

Magwaro echikamu chePublic Service Commission (PSC) anoratidza kuti dunhu reMashonaland Central ndiro rine vashandi veHurumende vakawanda vabaiwa nhomba richiteverwa neManicaland neMasvingo.

Kusvika pari zvino, chikamu che99,68 percent chevashandi ava vari muHarare vabaiwa nhomba zvakazara apo Bulawayo ine chikamu che99,95.

Vashandi veHurumende vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuMashonaland West chikamu che99,86 percent, Mashonaland East (99,94 percent), Mashonaland Central (99,96 percent), Manicaland (99,95 percent), Midlands (99,57 percent), Masvingo (99,95), Matabeleland North (99,72 percent) uye Matabeleland South (99,72 percent).

Zimbabwe ine vashandi veHurumende vanosvika 300 000.

Gurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, Professor Paul Mavima, vanoti kukosheswa kuri kuitwa chirongwa chekubaiwa majekiesni nevashandi ava mucherechedzo wekuzvipira mubasa ravo.

Vanoti Hurumende haisati yatsukunyuka kubva padanho rayakatora rekuti vashandi vayo vasina kubaiwa nhomba havawane mari dzavo dzemuhoro.

“Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti tiri pedyo nekuzadzikisa chikamu chevanhu vanofanirwa kubaiwa kuti nyika inge yakadziviririka kubva kudenda iri. Zvinoreva zvakare kuti Hurumende yabudirira muchirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba,” vanodaro Prof Mavima.

MunaGunyana, Hurumende yakadzika mutemo weStatutory Instrument 234 uyo unoti vashandi vayo vose vanofanirwa kunge vabaiwa nhomba panosvika musi wa15 Gunyana uye vanenge vakundikana vanotorerwa matanho akakodzera.

Avo vane zvikonzero zvinobatika zvekuti sei vasina kubaiwa, vari kupihwa kusvika musi wa31 Zvita kuti vange vabaiwa majekiseni iwaya.

Nyika dzakawanda dziri muAfrica dzakadzika mitemo yekuti vashandi vehurumende vabaiwe nhomba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links