Nzvimbo dziri kunetsa Covid

06 Jan, 2021 - 07:01 0 Views
Nzvimbo dziri kunetsa Covid

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HURUMENDE svondo rino inotarisira kupedza kuita ongororo yemwedzi wose iri pamusoro penzvimbo dziri kunyanya kubatwa vanhu nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

Ongororo yeNational Sero-Prevalence Survey for Covid-19 – iyo yakaitwa kumhuri dzinosvika 7 000 – ichabatsira mukuona kuti matanho akafanira atorwa anoenderana nenharaunda imwe neimwe, kusanganisira kugoverwa kwemushonga wekudzivirira denda iri (vaccines).
Ongororo iyi yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuburikidza nesangano reNational Institute Health Research (NIHR).

Professor Nicholas Midzi, avo vanova director weNIHR, vanoti zvakabuda mungororo iyi zvichaziviswa svondo rino.
“Kuvhenekwa kwevanhu pasi peongororo iyi kwakatopera munzvimbo dzakawanda, kusara kwekuHurungwe, uko tinotarisira kupedza nemusi wa4 Ndira,” vanodaro Prof Midzi.

“Chinangwa cheongororo iyi ndechekuona mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwaita chirwere ichi munharaunda dzakasiyana.
“Izvi zvinotibatsira kuti tizive nzvimbo dziri kunyanya kubatwa vanhu nedenda iri uye nematanho atinofanirwa kutora mukugoverwa kwemushonga wekuridzivirira.

“Sezvo pari zvino tapedza kuunganidza zvakabuda muongororo iyi, uye zvekushandisa zviripo, tinokwanisa kupedza gwaro rezvakabuda muongororo iyi mukati memasvondo maviri.

“Ongororo iyi ndiyo ichabatsira mukuona kugoverwa kwemushonga wekudzivirira Covid-19 kana nguva yacho yakwana.
“Pamusoro pezvo, mushonga uyu sezvo uri mushoma, ongororo iyi ichabatsira zvakare kuti utange kugoverwe kunzvimbo dziri kunetsa chirwere ichi,” vanodaro Prof Midzi.

Vanhu vanosvika 4 600 vakavhenekwa pasi pechirongwa ichi kunzvimbo dziri kumaruwa apo vamwe vakavhekwa mumadhorobha.
Mudunhu reHarare makavhenekwa vanhu 1 250 munzvimbo 50, apo 975 vakavhenekwa kuManicaland kunzvimbo 32 dzekumaruwa.
KuMidlands kwakavhenekwa vanhu 850, vamwe 800 ndokuvhenekwa kuMasvingo.

Vanhu vanodarika 400 vakavhenekwa zvakare kuBulawayo, apo kuMatabeleland North neSouth kwakavhenekwa 375 mudunhu rimwe nerimwe
President Mnangagwa vanoti kugoverwa kwemushonga wekudzivirira Covid-19, kana uchinge wapasiswa, kuchaitwa pachishandiswa ongororo mbiri dzakaitwa gore radarika maringe nekugadzirira kwakaita nyika kurwisa chirwere ichi.

Vanhu vakawanda vakabatwa nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Share This:

Sponsored Links